Dambudziko rekusavimbika

29 Jul, 2021 - 12:07 0 Views
Dambudziko rekusavimbika kusavimbika

Kwayedza

Kuna Tete
PESE apa ndakanga ndiri kutevedza zvinyorwa zvenyu zveNAC. Ndiri murume ane makore 38 ekuberekwa, ndakaroora uye ndine vana vaviri.

Mudzimai wangu achiri kuratidzika zvakanaka uye ane hunhu. Dambudziko riripo handina kumbobvira ndakavimbika kumudzimai mumwe chete kubva zvandakatanga kudanana naye. Kutaura chokwadi pamwe pacho ndinoshandisa makondomu asi dzimwe nguva handishandisi. Handisi kukwanisa kuregedza tsika iyi uye shamwari dzangu dzinoita zvimwe chetezvo.
Ndibatsireiwo
Ndini Jo

Wadiwa Jo
Ndinotenda zvikuru nekutinyorera uye ndinofara zvikuru nekuti uri kubvuma pamwe nekutambira dambudziko rako. Zvinhu zvinorwadza kuti nharaunda dzatinogara dziri kutambira katsika kekuva nevadikanwi vanodarika mumwe chete. MuChiShona vanoti ‘Bhuru rinorwa rinoonekwa nemavanga’. Zvino mazuvaano mavanga acho anotouya nenzira yekutapurirwa hutachiona hweHIV nezvimwe zvirwere zvepabonde.

Vanhu vazhinji vari muwanano vanofunga kuti mikana yekutapurirwa zvirwere zvepabonde inenge iri mishoma kwavari saka havafungi zvekushandisa dziviriro yemakondomu zvinova zvine njodzi. Mamwe madzimai anopinda murudo nevakomana vechidiki “Ben 10) vachiedza kuzvinyaradza marwadzo emuwanano dzavo saka mikana yekutapurirwa hutachiona muwanano yakawanda.
Zvakakosha kuzvichengetedza uye kuvhenekwa hutachiona hweHIV nezvimwe zvirwere zvebonde kuti ubatsirwe nekukasika nemachiremba pakupinda pamishonga.

Share This:

Sponsored Links