Dambudziko rezvikoro kuKanyemba

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Dambudziko rezvikoro kuKanyemba First Lady Amai Auxillia Mnangangwa

Kwayedza

Elita Chikwati aiva kuKANYEMBA
VAGARI vemunharaunda yeMariga, kuKanyemba, kudunhu reMashonaland Central, vari kuchema-chema nekushomeka kwezvikoro uko kunonzi kuri kukonzera nzara, hurombo nekukasika kuroorwa kwevanasikana. Munzvimbo iyi mune zvikoro zvishoma zvekuti pane dzimwe nguva vana vanofamba nzendo refu kuenda kuzvikoro zviri chinhambwe chemakiromita gumi.

Vabereki vazhinji vari kutyira upenyu hwevana vavo sezvo paine mikana yekuti vanogona kuuraiwa nemhuka dzesango apo vanofamba nzendo refu idzi vachienda kana kudzoka kuchikoro.

Vanasikana vazhinji vari munzvimbo iyi vanonzi vanokasika kuroorwa uye vabereki vavo havashande, nokudaro havakwanise kuvaendesa kuchikoro. Vamwe vabereki vemunzvimbo iyi vanoti vanobhadharira vana vavo $15 patemu kupuraimari ne$50 kusekondari.

Zvakadai, mumwe murume wemunzvimbo iyi – VaBrighton Kafanja vekubhuku reMariga – vari kubatsira vamwe vevana ava nekuvadzidzisa pachena.

Murume uyu ari kufundisa vana ava zvidzidzo zvinosanganisira zveEarly Childhood Development (ECD) zvisinei nekuti haana kufundira basa iri uye akafoira O-Level yake.

“Ndakaona kuti kana vanhu verudzi rweDoma vachinge vasina kufunda, havambofi vakabudirira muraramo yavo. Somuenzaniso, vana vazhinji havakwanise kuverenga nokudaro havagone kuzopinzwa mabasa mumaindasitiri ezvekushanya rinova bhizimusi riri munzvimbo muno.

“Ini ndakakurira muno saka handidi kuona vanhu vemuno vachitambura. Ndiko kusaka ndiri kuvadzidzisa kuverenga nekunyora, ndiyo bedzi nzira yekuvabatsira nayo,” vanodaro.

VaKafanja vanofundisa makirasi matatu ane vadzidzi 235 vane makore anobvira pamatatu kusvika masere ekuberekwa.
Vanoti vadzidzi vanofunda pachikoro chiri pedyo chinova chiri chinhambwe chemakiromita gumi vanongoenda kuchikoro kwematemu maviri bedzi nekuti kana uri mwaka wekunaya kwemvura, nzizi dzinenge dzakazara apo vana vanokundikana kuyambuka kuenda kuchikoro.

“Rimwe dambudziko nderekuti vabereki vazhinji vari kuno havana kufunda nokudaro havaoni kukosha kwechikoro zvekuti vanotosarudza kuendesa vana vavo kumunda panzvimbo yekuvaendesa kuchikoro.

“Chikoro chakanga chakavakwa paMariga chakashorwa nekuti chaive chisina maburi anopinza mhepo akakwana uye macheya nematafura acho akanga akagadzirwa nesimbi,” vanodaro.

Mumiriri weMbire mudare reNational Assembly, Cde Douglas Karoro, vanoti kune chikoro chitsva chiri kuvakwa izvo zvichabatsira vagari vemunharaunda iyi.

“Bazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari harikwanise kuunza varairidzi pachikoro chakange chavakwa paMariga nekuti chakashorwa nekuda kwezvivakwa zvisina kumira zvakanaka. Mushure mekuvakwa kwechikoro chitsva, tichange tava nevarairidzi vakafundira basa,” vanodaro.

Cde Karoro vanoti VaKafanja vari kuita basa guru rekufundisa vana uye vari kuona shanduko.
“Murairidzi uyu haasi kubhadharwa asi ari kuita basa guru. Tinovimba kana chikoro chitsva chikakurumidza kupedzwa kuvakwa, vana vedu vachawana fundo yepamusoro,” vanodaro.

Mudzimai wemutungamiriri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mhangangwa – avo vakashanyira dunhu iri svondo rapera – vanoti zvakakosha kuti vana vapinde chikoro. “Tichaita kuti Hurumende ipindire mukuvakwa kwechikoro ichi uye kuti chinge chiine maburi anopinza mweya akakwana,” vanodaro.

Vanokurudzira vabereki kuti vaendesa vana vavo kuchikoro kuti vave neramangwana rakajeka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey