Delta yakapa mabhezari 75

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Delta yakapa mabhezari 75 Muzavare Murambinda (kurudyi) nevamwe vadzidzi vakapihwa mabhezari neDelta svondo rapera.

Kwayedza

Abel Ndooka
KAMBANI yeDelta Beverages svondo rapera yakapa mabhezari kuvadzidzi 75 vari kuita A-Level nevekuyunivhesiti vakabva kumatunhu akasiyana enyika nedonzvo rekusimudzira dzidzo yevana vanobva kumhuri dzinotambura. Vachitaura pachiitiko ichi muHarare, Muzvare Patricia Murambinda – avo vanova corporate affairs executive kuDelta – vanoti kambani yavo inokoshesa dzidzo yevana vanobva kumhuri dzinoshaya.

“Dzidzo yevana tinoikoshesa uye tinobatsira vana vanogona chikoro avo tinoona kuti muupenyu hwavo vanotambudzika.
“Pane vana vakawanda zvekuti munotoona kuti mwana uyu anogona chikoro, asi muupenyu hwake kwaanobva anoshaya. Vakadai ava ndivo vatinobatsira,” vanodaro Muzvare Murambinda.

Vanoti chirongwa chekubatsira vadzidzi nemabhezari chakatanga mugore ra1996.
“Kusvika pari zvino takwanisa kubatsira vadzidzi vanosvika 1 610, uye tiri kuenderera mberi nacho,” vanodaro.
Vanoti kana vapa mabhezari, hazvigumire ipapo asi kuti vanotevera vachida kuziva kuti vana vari kubudirira zvakadii muzvidzidzo zvavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey