Delta yonunura zvikoro kuChimanimani

19 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Delta yonunura zvikoro kuChimanimani VaEdward Shumba (kuruboshwe) vachitambidzwa zvigaro nemadhesiki zvevana vechikoro naVaLuke Ngwerume (kurudyi) apo vamwe vainge vakatarisa.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KAMBANI yeDelta Corporation yakapa zvigaro 1 000 nemadhesiki 540 zvinokosha $400 000 — kuburikidza nesangano reZimbabwe Red Cross Society (ZRCS) — zvekubatsira zvikoro gumi zviri kuChimanimani nekuChipinge izvo zvakawirwa netsaona yemafashamu emvura yaive nedutumupengo, eCyclone Idai.

Vachitaura pakutambidzwa kwemidziyo iyi, VaLuke Ngwerume — avo vanova non-executive board member kuDelta Corporation — vanoti midziyo iyi chikamu che$1,6 miriyoni iyo yakaiswa padivi nekambani yavo kuti ibatsire mumabasa ekudzorera kunharaunda.

“Midziyo iyi takaiunganinza kuti ikwanise kuzobatsira vana mudzidzo yavo uye tichaenderera mberi nekubatsira kuburikidza nemapoka mana atinoshanda nawo.

“Mari yatakaunganidza kuti izobatsira kunjodzi dzerudzi urwu inoita $1,6 miriyoni.

“Tinorwadziwa zvikuru sekambani yeDelta nekurasikirwa kwatakaita neupenyu hwevanhu nekuda kwedutu reCyclone Idai. Vamwe vakakuvara zvikuru, midziyo ikaparadzwa, kusanganisira inoshandiswa muzvikoro,” vanodaro.

VaEdson Mlambo, vanova mutungamiriri weZimbabwe Red Cross Society, vanotiwo ibasa resangano ravo kurwisa njodzi dzerwudzi urwu pamwe nekubatsira vanenge vawirwa netsaona muZimbabwe.

“Tinofara zvikuru nerutsigiro rwatiri kuwaniswa nevemakambani, vanhu vakazvimiririra uye masangano kuti tichibatsirane nevakatambudzwa nemafashamu ane dutu eCyclone Idai. Tinotenda zvikuru kambani yeDelta Corporation nerutsigiro rwe$400 000 iyo yakashandiswa mukutenga midziyo inoshandiswa muzvikoro nekuti dzidzo inosimudzira nharaunda,” vanodaro.

Vanoti senzira yekurwisa tsaona dzerudzi urwu, sangano ravo riri kupakurira veruzhinji zvidzidzo zveFirst Aid muzvikoro pasi pechirongwa cheDisaster Risk Management Programme.

VaEdward Shumba — avo vanova Provincial Education Director mudunhu reManicaland — vanotenda Delta Corporation sezvo vamwe vana vanga vava kudzidza vakagara pasi zvichitevera kuparadzwa kwemidziyo muzvikoro zveko nemafashamu aya.

“Semunguva yechando ino, vana vanga vachitonhorwa vakagara pasi asi iko zvino tinovimba kuti vachanopembera patinoendesa midziyo iyi. Tanga tiine zvikoro 43 zvange zvakavharwa asi zvese zvakavhura nomusi wa7 Chivabvu uye vana pamwe nevadzidzisi vakakwanisa kupangwa mazano mushure mechiitiko chinokahadzisa vakawanda cheCyclone Idai.

“Kana vana vakadzidza vaine zvakakwana, vakagarawo pamacheya uye vaine pekunyorera pakanaka, tinovimba kuti vanobudirira mudzidzo dzavo,” vanodaro VaShumba.

Share This:

Sponsored Links