Uncategorized

Delta yopa bhezari

15 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Delta yopa bhezari Muzvare Murambinda

Kwayedza

Walter Mswazie ari kuMASVINGO
KAMBANI yeDelta Corporation yakatanga chirongwa chemakore maviri chekubatsira mwana anobva kumhuri inoshaya uyo akapasa bvunzo dzeO-Level dzegore rapera nebhezari rekuti akwanise kuenda kuA-Level kudunhu reMasvingo.Bhezari iri richabatsira mwana anodzidza pachikoro chiri pasi peHurumende kana chechi nemari dzechikoro, yekutenga mayunifomu, mabhuku ekuverenga neyekushandisa zvakasiyana.

Mutsamba yakanyorerwa kumukuru wedzidzo wekuMasvingo ichibva kuna Muzvare Patricia Murambinda – avo vanova corporate affairs executive kuDelta Corporation – kambani iyi yakakumbira mahofisi ezvedzidzo kuMasvingo kuti asarudze vadzidzi vavatu vakapasa O-Level avo vanoda kuenda kuA-Level.

Vanoti mudzidzi mumwe chete ndiye achasarudzwa pane vatatu ava.

“Vadzidzi ava vanofanira kunge vakapasa zvikuru pabvunzo dzeO-Level dzakanyorwa munaMbudzi-Zvita 2018 uye vaine umboo hwekuti vanobva kumhuri dzinoshaya,” vanodaro Muzvare Murambinda.

Vanoti kambani yavo ichabatsira mudzidzi kufunda pachikoro cheHurumende kana kuti chiri pasi pechechi kwete chikoro chakazvimirira.

Muzvare Murambinda vanoti vanenge vabudirira kupinda muchirongwa ichi vachaziviswa kuburikidza nekunyorerwa matsamba, zvimwe chetewo nemahofisi evakuru vezvedzidzo ekuMasvingo.

Zuva rekupedzisira rekutambirwa kwemazita evanoda kupinda muchirongwa ichi ndi14 Kukadzi 2019.

 

Share This:

Sponsored Links