Muchaneta Chimuka
KAMBANI huru inogadzira zvinwiwa nedoro yeDelta Beverages nomusi weChina chino yakaparura chirongwa chekurwisa nyaya dzekudhakwa kusina tsarukano muguta reHarare zvichitevera katsika kari kuitwa nevamwe vanhu kekunwa doro zvakadarikidza izvo zviri kuzokonzera matambudziko akasiyana.
Pasi pechirongwa ichi, kambani iyi iri kushanda nevadzidzi vekumayunivhesiti ari kumativi mana enyika pamwechete kuburikidza neboka reDelta Boost Fellowship mukukusha mashoko echengedzo maringe nedambudziko iri.
Chirongwa ichi chiri kuitwa pasi pedingindira rinoti: “Kutora Zvinodhaka Zvisina Mwero” apo chiri kunyanya kunangana nevechidiki kuti vasiyane nekatsika kekudhakwa zvakapfurikidza.
Chiri kutsigirwa nehomwe inosvika US$60 000 uye vamwe vadzidzi vari kubatsira nehunyanzvi vanosanganisira vekumayunivhesiti akadai seBindura University of Technology, Women’s University in Africa, Lupane Univeristy, Harare Institute of Technology, Great Zimbabwe University, Manicaland University of Technology, Solus University, Catholic University of Zimbabwe neNational University of Science and Technology.
Muhurukuro pakuparurwa kwechirongwa ichi, Mai Patricia Murambinda vanova general manager – corporate affairs kuDelta vanoti vanofara zvikuru kushanda nevechidiki vekumayunivhesiti kuti vave neruzivo rwekuipa kwekudhakwa zvakapfurikidza mwero.
“Isu sekambani inogadzira doro nezvimwe zvinwiwa, ibasa redu guru zvekare kufundisa vanhu kuti vanwe zvine chipimo nekuti kana vanhu vakanwa doro zvakanyanya zvinoita kuti vakundikane kuziva zvavanenge vachiita vopedzisira vapara mhosva kana kuita tsaona. Saka tinokurudzira kuti doro ringe richinwiwa nevanhu vane mazera emakoere 18 okuberekwa zvichikwira uye kuti vanwe doro rine chipimo, vachiita izvi vaine mumwe munhu asinganwi doro anokwanisa kuvabatsira kuti vange vakachengetedzeka kudakara vadzokera kudzimba vaine mutyairi asina kudhakwa. Tinoona tsaona zhinji dziri kuitika mumigwagwa inhau idzodzo dzekudhakwa,” vanodaro.
Ashley Taingwa anova nhengo yeZimpact anoti vanoshanda vari pasi pechirongwa cheDelta Boost Fellowship apo vanotevedza nzvimbo dzese dzemafaro dzinoitwa mabiko vachiongorora manwiro anoita vanhu doro pamwe nekuvabatsira nekuvapa mvura yakawanda kuti vaderedze huturu hwekudhakwa.
“Vanhu vanodhakwa nekufarisisa zvisinei nezera saka tinoenda kwavari tichivapa mvura kuderedza huwandu hwedoro ravanenge vanwa,” anodaro.
Chief Superintendent Michael Chibaya vanove Commanding Officer Drugs and Narcotics munyika vanoti basa ravo guru nderekurwisa kupinzwa kwezvinodhaka muZimbabwe pamwe nekubudiswa kwazvo zvisiri pamutemo.
“Mapurisa eZimbabwe Republic Police vari kushanda zvisina zororo mukurwisa nyaya dzekutengeswa kwezvinodhaka zvisiri pamutemo uye vari kumema nzvimbo dzinopinda nekubuda nezvinodhaka izvi kumiganhu yenyika. Tiri kushandisa zvekare ruzivo rwechizvino-zvino rwakadai semaDrone,” vanodaro.
Vanokurudzira veruzhinji kuti vanyevere mapurisa kana vachinge vaine ruzivo rwenyaya dzekupinzwa kana kubudiswa kwezvinodhaka munyika.