‘dembare hainyure’

28 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
‘dembare hainyure’ Kudzanayi Dhemere

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI weDynamos FC, Kudzanayi Dhemere, anotsidza kuti iye pamwe nevamwe vatambi vechikwata ichi vachasunga dzisimbe kuti DeMbare “isanyure” mwaka uno.

Masvondo adarika chikwata ichi change chichinyombwa nevatsigiri vezvimwe zvikwata nekudzikira kwachaita zvasvika pakuchiona chichirwira kuti chisaburitswe muligi reCastle Premiership.

Mwaka uno, tariro huru yaive kuDeMbare iyo yakapedza iri pechiri gore radarika asi zvakaenda nepamwe sezvo chikwata ichi chiri kutatarika zvikuru nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

DeMbare parizvino yasarirwa nemitambo minomwe uye iri kufanirwa kuhwina yese kana ichida kuramba iri muCastle Premiership asi mitambo yacho haina kumbochipa sezvo vhiki rino ichasangana neFC Platinum kuMandava Stadium, kuZvishavane.

Asi sekutaura kwaDhemere anoti hakuna gomo risingakwirike.

“Zvinhu zvinoenda nepamwe asi tiri kuramba takashinga, tichirwa semvumba kuti tirambe tiri muCastle Premiership.

“Tiri Dynamos isu chikwata chikuru munhabvu yemuno uye chine nhoroondo huru panyaya dzenhabvu. Saka hatimbosiye chikwata chedu chichinyura, kwete tinoramba. Kunyangwe zviome sei tinoramba tichishanda nesimba kuti tifadze vatsigiri vedu,” anodaro Dhemere.

Pakutanga kwemwaka uno, zvikuru zvaitarisirwa kubva kuna Dhemere uyo akambotamba nhabvu yainwisa mvura izvo zvakamuona achibatsira DeMbare kuhwina mukombe weZNA Charity Shield apo yakakunda CAPS UNITED kusemi-fainari uye neHighlanders mufainari yemutambo uyu.

Mumitambo miviri iyi, Dhemere aitamba nhabvu kunge akasvikirwa sezvo akanwisa mune yese.

Asi, mumwaka wegore rino mutambi uyu akwanisa kunwisa kaviri chete.

“Ini hangu handisi kufara nematambiro andaita, ndinoziva kuti ndogona kutamba zvepamusoro kudarika zvandaita mwaka uno asi ndichiri kukura uye ndichiri kudzidza.

“Asi ndikaramba ndichishanda nesimba pamwe nechikwata changu tinoziva kuti tinosimuka zvakare,” anodaro Dhemere.

Maneja weDeMbare, Richard Chihoro, svondo rapera akabuda pachena kuti chikwata chake chiri kutatarika mwaka uno zvichitevera kubva kwakaita Christian ‘Ntouba’ Epoupa uyo aichitungamira mukurwira mukombe uye ndiye aive top goal scorer kuDynamos apo akanwisa ka12.

Kubva kwaEpoupa kuri kuonekwa mwaka uno sezvo mutambi ari kutungamira pakunwisa kuDeMbare ndiQuality Kadzange uyo angokwanisa kunwisa katanhatu chete mumitambo yePSL.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>