Abel Ndooka
KUNOTSVA demo kugosara mupinyi nemusi weSvondo uno apo zvikara zvisingaonane, Dynamos FC neCAPS United, zvichabandana mumutambo weCastle Premiership weHarare Derby kuRufaro Stadium, muguta reHarare.
Mutambo wezvikwata zviri izvi unogara uchitarisirwa zvakanyanya nevatsigiri venhabvu zvekuti vatambi vazvo vanoita sevachadambuka makumbo semakurwe vachida kuhwinha.
Parizvino palogo rePSL — DeMbare — iyo iri kurairidzwa naLloyd ‘Mablanyo’ Chigowe, yakagara pechinomwe iine zvibodzwa 38 kubva pamitambo 26.
Nerimwewo divi, Kepe-kepe yaLloyd Chitembwe iri kufemera mugotsi meDeMbare sezvo yakagara pechisere iine zvibodzwa 38 kubva pamitambo 28 yePSL.
Mutambo wekutanga wemwaka uno pakambosangana zvikwata izvi, wakapera uri mangange 1-1 kuRufaro apo CAPS United ndiyo yaive pamusha.
Zvakadai, kune mimwe mitambo yePSL iriko svondo rino, Simba Bhora — iyo iri kutungamira palogo murwendo rwekurwira mukombe wePSL — ichange iri pamusha payo kuWadzanayi Stadium apo ichasangana neChicken Inn musi weMugovera.
Chikwata chaTonderayi ‘Stanza’ Ndiraya, Simba Bhora, hachisati chambokundwa chiri pamusha pacho izvo vazhinji vari kurumbidza vachiti ndicho chichave chimwe chezvikonzero zvinogona kuchibatsira kuhwinha mukombe wePSL wegore rino.
Simba Bhora ine zvibodzwa 57 kubva pamitambo 28 yePSL.
FC Platinum, iyo iri kudzingirirana neSimba Bhora pakurwira mukombe wePSL, iri kunanga kuColliery Stadium kuHwange uko ichanosangana neHwange FC.
Vakomana vaNorman Mapeza vari kurwira kuti vadzore mukombe wavo uyo vakabvutirwa gore radarika neNgezi Platinum.
Parizvino Pure Platinum Play ine zvibodzwa 50 kubva pamitambo 28 yePSL.
Mutambo wayo wekupedzisira yakakunda Highlanders 1-0 kuMandava Stadium.
Shasha yePSL yemwaka wadarika, Ngezi Platinum Stars, iri kunanga kuAscot kuGweru musi weMugovera uko ichanosangana neTelOne.
Chikwata chaTakesure Chiragwi mwaka uno chine gomo guru rekukwira mukuda kuchengetedza mukombe wacho sezvo chiri kurwisana neSimba Bhora naFC Platinum.
Parizvino Madamburo yakagara pechitatu palogo ine zvibodzwa 43 kubva pmaitambo 26 yayatamba.
Kuti ikwanise kuchengetedza mukombe wayo, iri kutofanirwa kuhwina mitambo yayo yese yasara uye nekune rimwe divi, ichinamata kuti Simba Bhora neFC Platinum zvigokundwa mitambo yazvo yasarawo.