DeMbare, Kepe-kepe dhuma dhuma

16 May, 2024 - 20:05 0 Views
DeMbare, Kepe-kepe dhuma dhuma Lloyd Chitembwe

Kwayedza

Abel Ndooka

NZIRA dzose dziri kunanga kuRufaro Stadium, muHarare nemusi weSvondo uko makara asingaonane CAPS United neDynamos FC zvichasangana mumutambo weHarare Derby weCastle Premiership.

Mutambo wezvikwata zviviri izvi pese paunotambwa unosiya vatsigiri venhabvu vasina neremuromo nekuti hapana chikwata chinoda kukundwa. Chikwata chaLloyd Chitembwe, CAPS United, chiri kupinda mumutambo uyu chiine morari yakakura zvichitevera kukunda kwachakaita Hwange 3-0 uye Yadah 1-0.

Nerimwe divi, DeMbare — iyo iri kurairidzwa naGenesis Mangombe — yakabva kuita mangange 0-0 neChicken Inn uye 1-1 neHerentals FC mumutambo uyo wakarwadza vatsigiri vechikwata ichi apo vakarambirwa chimwe chibodzwa sezvo mutambi wavo akange anwisa akanzi nemutevedzeri wemuridzi wepembe ainge ari offside.

Pakasangana Kepe-kepe neDeMbare mwaka wadarika, Dynamos yakahwina mitambo yese yemuPSL.

Izvi zvakaona DeMbare ichihwina mutambo wekutanga 2-0 kuNational Sports Stadium, kuchiti wechipiri ikazohwina 1-0 kuNSS zvekare.

Genesis Mangombe

Kepe-kepe svondo rino inofanirwa kutosunga dzisimbe kana ichida kukunda DeMbare nekuti yakapedzisira kukunda chikwata ichi mugore ra2019 apo yakahwina 1-0.

Parizvino CAPS United yakagara pechitanhatu palog iine zvibodzwa 16 kubva pamitambo 11, kuchiti Dynamos iri pechi10 nezvibodzwa 10 kubva pamitambo 10 zvekare.

Mimwe mitambo iriko svondo rino ichaona Ngezi Platinum Stars, shasha yePSL yemwaka wadarika, ichitambira pamusha payo kuBaobab Stadium apo ichasangana neTelOne FC musi weMugovera.

Nerimwe divi, FC Platinum ichatamba neHwange musi weMugovera kuMandava Stadium.

Manica Diamonds, iyo iri kutungamira palog parizvino, ichange iri pamusha kuSakubva Stadium musi weSvondo apo ichasangana neGreenfuel, kuchiti Simba Bhora iri kunanga kuLuveve uko ichanotatsurana neChicken Inn.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey