DeMbare, Madamburo zvorwira doro

28 Nov, 2024 - 22:11 0 Views
DeMbare, Madamburo zvorwira doro Lloyd Mablanyo Chigowe

Abel Ndooka

KUNOTSVA demo kugosara mupinyu kunhandare yeRufaro Stadium, muguta reHarare nemusi weMugovera uno apo Ngezi Platinum Stars ichatatsurana neDynamos FC mufainari yemutambo weChibuku Super Cup.

Chikwata chichahwina mutambo uyu chinobva chawana tikiti rekutamba muCAF Confederations Cup mwaka unotevera.

Aka kachange kari kechipiri zvikwata zviviri izvi zvichisangana mumutambo uyu zvichitevera kusangana kwazvakaita gore radarika apo DeMbare yakazohwina 2-0.

Svondo rino, zvikwata izvi zvinotarisirwa kutamba kusvika pakudambuka makumbo semakurwe nekuti chimwe nechimwe chinenge chichida kuhwina mukombe uyu.

Ngezi Platinum, iyo iri kurairidzwa naTakesure Chiragwi, ichangobva kutorerwa mukombe weCastle Premier Soccer League neSimba Bhora mwaka uno.

Saka ichapinda mumutambo uyu ine hukasha ichitarisira kusimudzawo mukombe weChibuku Super Cup.

Takesure Chiragwi

Kuchiti chikwata chaLloyd ‘Mablanyo’ Chigowe, Dynamos FC ichange ichizama kurwisa kuti ichengetedze mukombe weChibuku Super Cup uyo yakahwina gore radarika apo yairairidzwa naGenesis ‘Kaka’ Mangombe. Zvikwata zviviri izvi zvakabva kusangana masvondo adarika mumutambo wePSL uyo wakatambirwa kuBaobab Stadium kuNgezi ukahwiniwa neMadamburo iyo yakakunda DeMbare 2-0.

Mwaka uchangodarika, Ngezi Platinum yakapedza iri pechitatu palog rePSL kuchiti Dynamos yakapedza iri pechisere.

Mumitambo mina yapedzisira kutambwa neDynamos yemuPSL, yakaita mangange miviri ndokukundwa miviri apo yakakundwa neNgezi Platinum uye mumwe wacho ikakundwa neGreen Fuel 2-1.

Muimbi ane mukurumbira – Alick Macheso – ari kutarisirwa kuzotandadza vanhu pamutambo uyu.

Share This:

Sponsored Links