DeMbare ndokuti bhora: Jaure

10 Jun, 2021 - 14:06 0 Views
DeMbare ndokuti bhora: Jaure PARTSON Jaure

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI weDynamos FC nechikwata chenyika chemaWarriors – Partson Jaure – anoti kudzoka kwenhabvu kunofadza zvikuru sezvo mutambo uyu uriwo unounza raramo kuvatambi vazhinji.
Jaure, uyo anove kaputeni weDeMbare, anoti hupenyu hwevatambi vakawanda hwange hwakatokanganiswa nekumbomiswa kwakaitwa nhabvu kubvira gore rapera nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Anoti vatambi vaishushikana zvikuru nekungogara sezvo vange vasisina chekubata asi kudzoka kwemutambo uyu kwave kuvabatsira kuti hupenyu hwavo huchiendeka.

“Isu tinoraramiswa nenhabvu, ndicho chingwa chedu chatinodya mangwanani, masikati uye nemanheru. Saka kana nhabvu isipo tinofa nenzara.
“Hupenyu hwange huchirwadza kungogara nekuti hapana mari yatange tichiwana, zvange zvichirema. Asi nhabvu zvayadzoka manje, hupenyu hwedu hwave kuchiendeka,” anodaro Jaure.
Kudzoka kwenhabvu kuri kuona zvikwata zvemuPremier Soccer League (PSL) zvichikwikwidza mumutambo weChibuku Super Cup.

Jaure anoti mutambo uyu wakaoma zvikuru sezvo zvikwata zvose zviri kurwisana neDeMbare.
Anoti DeMbare kubva kare chikwata chihombe zvokuti mitambo yacho inenge isiri nyore sezvo zvikwata zvose zvichitsvaga mbiri pavari.

“Kana uchitambira Dynamos unofanira kunge wakazvipira kuifira nekuti chikwata ichi chihombe uye chikwata chose chinosangana nesu chinenge chichitotsvaga mbiri patiri. Mutambi wese anotoda kunzi akunda Dynamos nekuti kuti DeMbare ndokuti bhora, saka isu totofanira kugara takagadzirira.
“Mumitambo yeChibuku yatiri kutamba iye zvino haisi nyore nekuti zvimwe zvikwata zvinenge zvichida kuti tibude kuitira kuti zviwane mukana. Saka isu tiri kutofanira kushanda nesimba tivarakidze kuti tiri shasha panyaya dzenhabvu,” anodaro Jaure.

Jaure abva kure munyaya dzenhabvu izvo zvakambomuona achinotamba kuSouth Africa kuchikwata cheUniversity of Pretoria uye akambonotambira kuZambia zvekare kuchikwata cheBuildcon.
MuZimbabwe, akambotambira zvikwata zvinosanganisira Ngezi Platinum Stars neManica Diamond ndokuzodzoka kumusha kuDeMbare uko akarerwa akaita mukurumbira.

Achitaura pamusoro pemafambiro aaita munhabvu anoti, “Zvinofadza kumbonotamba kune dzimwe nyika wodzidza zvinoitwa ikoko. Ndakadzidza zvakwanda mukufamba kwandakamboita, asi iye zvino ndadzoka zvandakadzidza kunze kwenyika ndiri kuzvishandisa kubatsira vechidiki vari kusimukira mumutambo uyu vazive kuti zvofambiswa sei uye zvii zvinodiwa kuti mutambi abudirire mumutambo uyu.”

Zvakadaro, svondo rino DeMbare ichange iri pamusha apo ichasangana neHarare City mumutambo wechishanu weChibuku Super Cup.

DeMbare ndiyo iri kutungamira muboka rayo umo mune zvimwe zvikwata zvinoti CAPS United, ZPC Kariba neHerentals.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>