‘Deredzai kusanduka kwemamiriro ekunze’

10 Nov, 2021 - 16:11 0 Views
‘Deredzai kusanduka kwemamiriro ekunze’

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

BAZI rinoona nezveminda, kurima, hove, mvura nekugariswa kwevanhu kumaruwa rinokurudzira varimi nevamwe veruzhinji kuti vachengetedze nharaunda kuburikidza nekutora matanho anodzivirira kusanduka kwemamiriro ekunze izvo zvinozokonzerawo kushomeka kwemvura yekunaya kana kuwandisa kwayo.

VaTatenda Mutasa, avo vanove mukushi wemashoko kubazi iri uye vari mazvikokota wezvesainzi munyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze (climate change scientist, mitigation, research and publicity), vanoti dambudziko rekusanduka kwemamiriro ekunze rakatarisana nepasi rose.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika muguta reHarare pagungano rekukurukura pamusoro pekushanduka kuri kuita mamiriro ekunze uye nekutsvaga nzira dzekupedza dambudziko iri.

“Mabasa atinoita anosanganisira kutema miti zvisina tsarukano, kupisa masango nehutsi hunobva kumaindasitiri zvose izvi zvinokonzera kusanduka kwemamiriro ekunze,” vanodaro.

VaMutasa vanoti bazi ravo riri kusimbaradza zvirongwa zvekupa chenjedzo kuvarimi nevamwe veruzhinji pamusoro pekutora matanho anodzivirira kusanduka kwemamiriro ekunze.

Kunze kwazvo, vanoti vatori venhau vanofanirwawo kuve neruzivo rwakadzama pamusoro penyaya iyi nedonzvo rekuti vaburitse mashoko anobatsira veruzhinji.

Bazi rezvekurima, vanodaro VaMutasa, rakadhindisa magwaro ari mumitauro 13 anodzidzisa veruzhinji pamusoro pematanho avangatore nechinangwa chekudzivirira kusanduka kwemamiriro ekunze ayo anosanganisira kusatema miti zvisina tsarukano nekupisa masango.

Share This:

Sponsored Links