Designetics yosimudzira kushandiswa kweruzivo rwechizvino-zvino  

23 Jan, 2019 - 10:01 0 Views
Designetics yosimudzira kushandiswa kweruzivo rwechizvino-zvino   Professor Mavima

Kwayedza

KAMBANI yeDesignetics iri kuvandudza nekurerutsa nzira dzekudzidza dzinoshandisa chizvino-zvino.

Kambani iyi yauya nenzira itsva yekurerutsa kuongorora dzidzo nemadzidziro kuvana vechikoro, vabereki, zvikoro pamwe nevanyori vemabhuku uye nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari.

Izvi zvichava nyore kuburikidza nechirongwa chinoshandiswa pamafoni (Mobile App) chinonzi DotEdu icho chakaparurwa neDesignetics chinoita kuti vana vawedzere kupasa kuchikoro, uye vabereki vagare vachiona kushanda kunenge kuchiita vana zuva nezuva kuchikoro.

Zvimwe zviri muchirongwa ichi zvinosanganisira kuongorora shanduko nekukura kunenge kuchiita mwana mukubata nekugona zvidzidzo zvake kana ari kuchikoro zvekuti mubereki haazomiriri zuva raanoshanyira kuchikoro chete achienda kunoona kudzidza kuri kuita mwana nepanoda kugadziriswa.

Pasi pechirongwa ichi zvakare, vabereki vanokwanisa kuona zvinenge zvabuda mubvunzo dzinenge dzanyorwa nevana kuchikoro chero mwana asati apihwa kabhuku kanoratidza zvakabuda mumazama ake ose (report book).

Mubereki zvakare – kuburikidza neDotEdu – anokwanisa kubvunza kuchikoro kwemwana vachipihwa mhinduro pakare pasina kuenda kuchikoro zvinova zvinoderedza kushandiswa kwemari pakushanyira kuchikoro. Senzira yekutsigira New Curriculum, DotEdu inopa mukana kuvana kuti vaverenge mabhuku padandemutande zvinova zvinobatsira kana pachikoro paine mabhuku mashoma kana kuti mwana asina mabhuku akakwana ekuverenga.

Vatungamiriri vekambani yeDesignetics vanoti DotEdu haimanikidze mwana kuti angoverenga kana ari muchikoro kana kuti aenda padandemutande asi mwana anokwanisa kuverenga pasina zviviri izvi izvo zvinova zviri kuenderana nechizvino zvino.

Vachitaura vakamirira gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari Professor Paul Mavima, VaRichard Chirume vanoti, “Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rakagamuchira chirongwa cheNew Curriculum icho chinokurudzira vana kuti vashandise hunyanzvi neruzivo uye kuti vagone kushandisa chizvino-zvino.

“Zvikoro zvedu zvose munyika zvakabvumirana nekushandiswa kwechizvino-zvino naizvozvo DotEdu yauya nguva yakanaka apo tiri kukurudzira kushandiswa kwechizvino-zvino muzvikoro. Sebazi, tiri kukoshesa chirongwa ichi nekuti chinobatsira zvakanyanya mukudzidza kwevana uye chinoita kuti mubereki agare achiziva mashandiro ari kuita mwana wake pakuverenga nekunyora basa rake rekuchikoro.

“Chirongwa ichi zvakare chinoshanda zvakasimba mukuwedzera kutsvunha kwevana muzvikoro nekuti basa ravo rinenge richionekwa nguva nenguva nevabereki pamwe chete nevarairidzi. Izvi zvinofambirana nehurongwa hwekusimudzira dzidzo yemhando yepamusoro kuvana vari kupuraimari pamwe chete nekusokodari. Ndinovimbawo kuti kuburikidza nechirongwa ichi, mari yechikoro ichachengetedzwa muzvikoro umu. Ndinotendawo vechidiki muno munyika nekukurudzira kushandiswa kwechizvino-zvino kwavari kuita sezvo kambani yeDisgnetics iri kutungamirirwa nevechidiki.”

 

 

 

Share This:

Sponsored Links