DETEMBA TINZWE

21 Jun, 2014 - 17:06 0 Views

Kwayedza

YA-A NDAKUZIVA
 naBlessing Masuka

Shuwa ndakuziva;
Ndakakuona kuhope muchinda iwe;
Metsi dzako dzese ndavakudziziva;
Unozviti gamba ka iwe?
Nyoka une hunhu hunonetsa sehwa Ray Zvauya;
Aiwa wakangoita saMusavhaya;
Haubudi pachena, unoda hutikitivha
Kutokunda Chinovava kana sajeni Chimedza.
Wakachenjeresa kudarika Manijibhangu;
Watiparira mwana iwe, tsvuuramuromo;
Wairesi yako yedandemutande inodata kwose
Ziana rako raparira kudarika internet.
Kapfupi anoshereketa asi wave kumberi;
Unongoti vhu-u takavarairwa saDapi;
Makunakuna ako anokunda aVharazipi;
Sei usinganyarewo isu vakaonda kare.
Dai uri munhu waizopiwa chiremerera;
Nekuti unezvivindi nechemumoyo;
Chimwoyo chinoti ‘akanga nyimo avangarara’;
Chimwoyo sechaTongai;
Aiwa chimwoyo sechaJekanyika.
Ndave kuzviziva nezita zvino;
Rako chairo kwete remadunhurirwa;
Wanetsa muchinda iwe;
Ndiwe HIV ramba tinzwe . . .

Blessing Masuka ari muUpper 6 Sciences, paGokomere High School, kuMasvingo.

MAONERO
Blessing, unogona kunge uri kuita masciences kuGokomere ikoko, asi ndine chokwadi chekuti dai wakada kuita Shona waibuda neA isina mubvunzo. Nhetembo yako yandifadza kudarika mukomana adiwa nemusikana waanga achishaira hope.

Zvawaita nenhetembo yako ndizvo chaizvo zvandinenge ndichitaura kana ndichiti nhetembo ngaishamise vaverengi. Nhetembo ngairege kungotaura zvinhu nenzira imwe chete inosvota kunge mangai! Apa waratidza hunyanzvi zvekuti ndiri kukupa chipo chebhuku rangu rinonzi “Imbwa Yemunhu!” Chii chaita kuti nditi wagona? Waratidza kuti uri muverengi mukuru kwazvo wemabhuku. Saka nhetembo yako yashandisa vatambi vari mune mamwe mabhuku awakaverenga zvekuti wadenha vaverengi vakamboverenga mabhuku iwayo, kuti vadzokere kumashure vanofunga nezvevatambi ivavo.

Asi zvisiri izvozvo zvega, waratidzawo kuti zvine chekuita nemutauro zvinoitwa nanaDapi vanoshagada kana nanaVharazipi vanoshezheudza unonyatsozvifarira zvekuti izvozvo zvave kukudenha kuti newewo uite akowo mashura nemutauro. Vanhu vanoverenga zvikuru sewe, kazhinji vanozoitawo shasha dzekunyora pachezvavo, saka ramba wakadaro.

Chimwe chandifadza kushandisa kwako mutauro nenzira yakangwara inopinda mumutauro wanhasi zvisina kumanikidzira. Ndafarira mutsara wekuti, “Metsi dzako dzese ndava kudziziva . . .”

Kushandisa kwako dimikira rakadzama uchiti kuAids, “Haubudi pachena, unoda hutikitivha” kwandiratidza kugona kwako kutaura nyaya nenzira yehunyanzvi. Unopa muverengi kuti afungisise pamusoro pemashandiro ematikitivha. Matikitivha anoronda, agobvunza nekubvunzisisa, agotsvaga, otemwa nemusoro, pamwe pacho omborasiswa kusvikira vazobata muparanzvongo! Saka dimikira rako rataura zvinhu zvikuru nemashoko mashoma.

Chimwe chidavado chandanyanya kufarira ndechekuti, kubva pawatanga nhetembo yako uchiti, “Shuwa ndakuziva,” hauna kubva wamhanya kunoti, ndiwe nhingi. Asi watenderera zvako nesu uchitsanangura hunhu hwemuchinda uyu anonzi Aids. Wanga uchiita kunge wakamirira kuti arambe kuti ndiye, asi izvozvo zvanga zvisingakwanisike nekuti wamuburitsira zvitupa zvake zvese zvaanoshandisa zvekuti wabva wazoita ndiwe mutikitivha wawambotaura kwekutanga kuti ndiye anodiwa panyaya iyi!

Waita zvako, uku ndiko kwacho kwatinoti kugona kune muchochororo unenge wejongwe! Bhuku randiri kukupa unogona kufonera Mupepeti weKwayedza panhamba dzinoti +263 775 218 248.

ignatius mabasa [[email protected]]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey