DETEMBA TINZWE

31 Jul, 2014 - 07:07 0 Views

Kwayedza

DZIDZO naZororo Makuvaza
Dzidzo! Dzidzo! Dzidzo!
Pasina iwe hapana hupenyu
Unotipa mabasa nechikafu

Dizdzo ndiyo musimboti wekubudirira muhupenyu
Pasina iwe hapana hupenyu
Pasina iwe hatikwanise kunyora kana kuwana mabasa
Pasina dzidzo hatiwane mabasa akanaka kana hupenyu hwakanaka.

Dzidzo ndiyo nzira yekuwana mabasa akanaka
Mabasa ese ane mukurumbira muZimbabwe akaita sekurapa varwere, kutyaira ndege pamwe nekudzidzisa zvinoitwa kana une dzidzo.
Vasinganzwe, vasingataure kana vasingaone vanowana dzidzo nenzira dzavowo.

Vadzidzisi pamwe nemabhuku vanotibatsira kuwana dzidzo.
Tinogona kubvunzwa kana kupihwa ruzivo
Dzidzo ndicho chiedza chepasi rese, kwese kwaunoenda vanoshanda nedzidzo
Dzidzo ndiyo nzira yekuvandudza mararamiro edu, nyika yese pamwe nepasi rese.

Dzidzo yakakosha segoridhe
Dzidzo yakachena zvemachokwadi sependi
Kana uchida hupenyu hwakanaka ngwara wobvuma dzidzo muhupenyu hwako.

  • Zororo Makuvaza ari muGrade 7 paZengeza 8 Primary School, kuChitungwiza.

MAONERO
Waita zvako nenhetembo yako, uye waedza chose. Chandinokurudzira kana muchinyora nhetembo kuti musapedze nguva muchitaura kana kudzokorora zvinhu zvisingabatsire nhetembo dzenyu. Kana ukatanga nekuti dzidzo pasina iwe hapana hupenyu, izvozvo kune vanhu vanokuudza kuti uri kunyepa nekuti ivo havana kudzidza asi havana kufa.

Saka kana uchiti pasina dzidzo hapana hupenyu, unoita kuti vanhu vakutsoropodze, kana kuti vasabvumirane newe. Chaunoti hupenyu chii?

Watiwo zvakare, dzidzo inopa mabasa nechikafu, asi kune vamwe mazuva ano vakadzidza zvekusvika mberi-mberi, asi havana mabasa. Saka unoda kuchenjerera mamwe mazwi aunoshandisa nezvaanoreva.  Totarisa pawati, “dzidzo inopa chikafu.” Kune vamwe vanogona kutadza kunzwisisa zvauri kutaura vakafunga kuti kana wave nedzidzo hauchafanirwa kushanda. Chandiri kutaura ndechekuti, tambanudza pfungwa dzako dzinyatsoburitsa pfungwa dzako zvakazara, uye nenzira isingaite kuti vanhu vave nemibvunzo kana kupokana newe.

Mitsara yako iri pasi inoratidza kudzokorora pfungwa imwe chete. Kana uchinyora nhetembo, rega kuwanza mashoko awamboshandisa kare. Izwi rega rega munhetembo ngaribatsire nhetembo kuti ipfuurire mberi.

Uri kuramba uchiti dzidzo inopa kuti munhu awana mabasa akanaka, asi hakuna basa risina kunaka. Pamwe uri kuda kutaura kuti basa rine mari yakawanda.

Kana uchinyora nhetembo, edza kushandisa mitsara mipfupi.

Ramba wakashinga, uchinyora.

ignatius mabasa [[email protected]]

Share This:

Sponsored Links