DETEMBA TINZWE

07 Aug, 2014 - 14:08 0 Views

Kwayedza

SHURAMATONGO

naTariro Katemauswa
Inga zvatatoiswa pachena semhanza yembudzi
Ndiyoka iyo yarsvairea ruzhinji samapete
Hapoka apo pavakutoda huro dzakasimba kumedza sadza
Matahwa anorarochema sikunesikati pasina zororro
Kamuraramiro kacho kavakutoda sedziya dzinodzeya
Nokuti iwo mapiritsi atozonyanya dai aidzeyewa zvaive nani

Hazvinei kuti unobwereta mutauro wupo
Chava kutovhaka sezvinozni chirauro
Mudzinzira vaya vanotetera kumashamira
Angoava marangwanda
Vanhu vanosara vofamba ivo vatova zvitunha kare

Idzo shiri dzedenga dzopururudza nekuti hachina kuhakira ikoo
Ivo vanagodobori vadzinorovera
Vadziroverazve hakata wanikwe chabuda hwa-a

Iwo maporofita okiriridza nedzavanoti ndimi zvisina pundutso
Imika imi iweka iwe
Vamwe ndovoita sekunge vakazora zvizorwa zvapamuromo
Chiri icho chamutetena
Icho chichikusiya wakanyenama senjiri

Iwo marinda namarinda iota sezvinonzi akashongedza nyika
Zvokwadi takandiswa mapfumo pasi
Nherera misodzi yatova nzizi pamatama dziri ndangariro
Chakakodoborwa papiko ichochi
Zvokwadi tapera, tapera kani
Todii, toiteiko maiwe babawe-e vadzimuwe-e
Raramo yedu yave kutogurirwa pakati segurwe
Zvakutoda iye akasika munhu nemufananidzo wake

Chokwadi ichi idi ndechekushura matongo
Zvokwadi mukondombera watipedza.

Tariro Katemauswa ari muForm 3 paTransparency College.

MAONERO:
Kurudziro yangu kwamuri vana vechikoro ndeye kuti kana muchinyora nhetembo pamusoro pezvinhu zvakaita seshuramatongo, zivai kuti iri idingindira ranyorwa nezvaro nevanhu vakawandisisa, uyewo nevaimbi venziyo vazhinji vakaimba nezvaro.
Nekudaro, kana uchinge wafunga kunyora nhetembo yako pamusoro pedingindira rakadai, ratingati dingindira rakajairirwa nekudheererwa nevanhu vazhinji, unofanira kuti uzvibvunze mibvunzo yekuti:
1. Ndichanyora zvipi, zvakasiyana nezvakambonyorwa nevamwe
2. Ndichashandisa zvidavado zvakaita sezvipi kuti ndinyatsoburitsa nyaya yangu nenzira itsva, yakasiyana
3. Ndichadzidzisa zvipi zvitsva zvisina kumbobvira zvadzidziswa
Nhetembo yaTariro Katemauswa yakanyorwa neshasha. Chanyanya kundifadza munhetembo iyi, mushandisiro wake mutauro wakapfuma uye unoratidza kuti nyangwe zvazvo vanhu vachigaronyora nezveshuramatongo, iye ane manyorero ake matsva.
Chandiri kukurudzira ndechekuti, kana wanyora nhetembo yakanaka kudai, chiitsvagirawo musoro usingabva wafanoudza vanhu kuti uri kutaura nezveshuramatongo.
Ipawo vaverengi vako basa rekufunga kana kuti vashamisike nemusoro unotokonya.
Chinhu chakanganisa nhetembo iyi, zviperengo zvakashata zvakawandisa.
Handizive kuti ndiwe here kana kuti ndevakakutaipira, asi zviperengo izvozvo zvinosvibisa mwoyo uye zvinotadzisa munhu ari kuverenga kuti azive kuti wanga uchida kunyatsoti kudii.
Saka kana vanhu vakatadza kuverenga vachinzwisisa, unenge wakundikana pabasa rako sanyanduri.
Chimwe chinhu zvakare chawatadza kuratidza kusaziva pekubatanidza nekupatasanura manzwi.
Semuenzaniso:
Pavakutoda — pava kutoda
Sikunesikati — siku nesikati
Vanagodobori — vana godobori
Ndovoita — ndivo voita
Zvakutoda — zvava kutoda
Kune mitsara yako yandashaya kuti inorevei, uyewo pane zvirevo zvawanga uchishandisa zvandisina kunzwisisa.
Mhanza yembudzi yakaita sei uye iri pai? Unorevei kana uchiti matahwa anorarochema siku nesikati pasina zororo?
Gurwe ndiro rinogurira pakati, zvekuti tinoti “yagurwa negurwe” kwete kuti “yagurirwa pakati segurwe.”
Ndigadzirisirewo nhetembo yako, ugoitumira kumupepeti zvakare.

[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey