DETEMBA TINZWE: Tsika dzaminamiswa

09 Jun, 2014 - 15:06 0 Views

Kwayedza

naShyleen Makona
Tsika! Tsika! Tsika! Dzinodikanwa!
Veduwe-e! tsika dzominamiswa.
Vana vanhasi vorasikirwa noupenyu,
Ndava kushaya tsika.

Vana vanezuro mbanje voputa
Nezvinodhaka vonwa,
Mhaka kushaya tsika dzakakwana.
Isu vana veZimbabwe toshoresa nyika,
Nokuda kwekushaya tsika dzakati kuti.

Isu vana vevhu mumabhawa hatichabude,
Panharembozha hatichabviri, nokurasikirwa nehunhu.
Mudzimba tangove nyemba dzisingaibve,
Honzero kushaya ruremekedzo.
Ko idzo ndimi hatichakwanisi, nokuda kwekushaya,
Tsika dzakaumbwa zvakanaka.

Upenyu hwedu hwangove chamupupuri chaicho.
Vana venyika inokosheswa mapindwa nei mhani
Ngatidzorei moyo yedu kani.
Tisashoresi ivhu renyika ino,
Tivevanhu vanosimudzira nyika.

Shyleen Makona ari muForm 1 paSeke 6 High School, kuChitungwiza.

MAONERO
Ndinozviziva kuti munoti dzokororo ine simba, asi matangiro awaita nhetembo yako uchidzokorora izwi rekuti tsika katatu, handisi kuona kuti zvanyatsobatsira here kuburitsa zvauri kuda kutaura, kunyanya pawazopedzisira uchiti, “dzinodikanwa.” Mutsara wekutanga, zvese nendima yacho zvinoda kunyatsorova muverengi nechibhakera chinenge sando.

Panzvimbo yekuti ungoti “dzinodikanwa,” dai watsvaga fananidzo, enzaniso kana chimwewo chidavado chinoreva kukosha kana kudikanwa. Semuenzaniso, ungadai wati: “Tsika ndiro ropa mutsinga dzevatema.”

Pane pawati, “Ndava kushaya tsika.” Asi izwi rawashandisa rekuti “ndava” rinobva kumutauro wechiNdebele. MuchiShona waifanira kushandisa izwi rekuti “chikonzero” kana kuti, “nokuda kwokuti.”

Wati iwe, “Vana vanezuro mbanje voputa . . .” Zvinoita sekuti mbanje nekushandisa zvinodhaka hakuna basa kana kuchiitwa nevasiri vanezuro. Ko iko kuputa nekudhakwa kushaya tsika here kana kuti kushaya musoro?

Wati iwe “panharembozha hatichabviri kurasikirwa nehunhu” asi ini ndiri kuti tiudze kuti tiri kurasikirwa nehunhu panharembozha chirudzii, nekuti mumwe achati, “Ko kutaura panharembozha kwandinoita kunoita kuti ndirasikirwe nehunhu chirudzii?” Uyewo ane mhosva ndiani panyaya yekutadza mutauro? Vana vanogona kupawo mhosva kuvakuru vavo vachiti ivo vakuru ndivo vasisataure mutauro chaiwo wakanaka.

Asi tisingatarise zvedu tumwe tunhu tudiki twunoda kugadziriswa, ndinofara neshungu dzako Shyleen, nekuti unoratidza kuti padanho rauri reForm 1, unonzwisisa mutauro wechiShona zvinopa manyemwe.

Ndanyanya kufadzwa nemashandisiro awaita mutauro panzvimbo mbiri. Pane pawati:
Mudzimba tangove nyemba dzisingaibve,

Honzero kushaya ruremekedzo.

Watora dimikira renyemba isingaibve ukabva wanyatsoriita kuti ripinde mumutsara wako nenzira inogutsa.

Uye kuziva kushandisa izwi rekuti “honzero” panzvimbo yekuti “chikonzero” kwandiratidza kuti mutauro wako unounzwisisa. Pamwe zvakare pawagona zvinonwisa mvura ndepawati:

Upenyu hwedu hwangove chamupupuri chaicho.

Kupfekedza unhu hwechamupupuri kwawaita upenyu hwedu kunobva kwanyatsoratidza dambudziko riripo.

Chamupupuri chinofamba chichisimudza mavhu nemarara, pamwe chete nekutosvora chichirasa zvinhu, saka ipapa wabudirira chaizvo sanyanduri.

Urambe uchinyora.

Share This:

Sponsored Links