
naTanaka Taruvinga
Hekaniwaro mhondoro
Hekaniwaro madzitateguru
Maungira eyedu mhere ari kusvikawo here iko nyikadzimu?
Tinzweiwo ana muendakare
Ndimi varwiri vehwedu hupenyu.
Hekani nhume dzaNyadenga.
Svikai svikai svikai henyu madzitateguru,
Tokutambirai nemaoko maviri.
Svikai mutitapurirewo mazano enduramo.
Tateketera vana venyu tatambura mune rino sango.
Svikai zvenyu Mhofu svikai mhukahuru.
Ko zvamaiti shato kupinda mumba rova musoro,
Zvino dzihwamupengo iri torova pari papi?
Honai rachiti tekeshe nemusha wose
Siku nesikati hama dzofuga radzo dzoga.
Ko zvatakadira mhamba wani,
Hosha yopedza venyu vana,
Isu tofunga zvimwe makafuratira.
Zvivhindikiti, zvose nevatete,
Kwamupfiganebwe tande.
Mhuri dzopera vana sare nherera.
Svikai vanaShumba varidzi vemasango,
Mutiringire.
Nemiwo Nzou Samanyanga,
Mutsika panotinhira, shoko ndiro ndiro
Tivhumbamireiwo, tiriritireiwo
Honai vana tadai kuparadzwa nedenda
Torakashwa nedzihwa mupengo.
Hunzi mwana asingacheme anofira mumbereko
Ndimi vachengeti, vavhumbamiri vedu.
Svikai henyu ana Gushungo, anaMoyo Chirandu,
Vanachipangamazano,
Svikai tirimo musango
Mhizhahuru nehombarume tirimo
Tashushikana isu pwere dzenyu
Ana Tovera nanaChirorodziva
Shoko ndirori mutiringirewo
Toparadzwa Covid-19.