‘Devolution’ inounza budiriro kumatunhu

18 Sep, 2020 - 00:09 0 Views

Kwayedza

HURUMENDE yakatanga chirongwa chekupa masimba munyaya dzekusimudzira budiriro kumatunhu ose gumi emuZimbabwe nechinangwa chekuti ave nechekuita mukusimukira kweupfumi hwenyika yose.

Chirongwa ichi chinozivikanwa nekuti Devolution uye chiri kuona matunhu akawanda achipihwa mari neHurumende yekushandisa munyaya dzebudiriro muzvikamu zvakawanda.

Bazi rinoona nezvehomwe yenyika rakatoisa padivi $2,9 bhiriyoni yekuti ishandiswe pasi pechirongwa ichi uye kusvika pari zvino $290 miriyoni yakatopihwa kumatunhu aya.

Pasi pechirongwa ichi, mari iyi iri kupihwa kumatunhu ose ari gumi enyika uye ichizopfuudzwa kuendeswa kumakanzuru ari pasi pawo.
Hurumende inopa mari iyi ichitarisa zvakasiyana zvinosanganisira mamiriro enyaya dzehurombo, zvivakwa nehuwandu hwevanhu.

Kwemakore akawanda adarika, makanzuru aigarochema-chema achiti haana zvinoakwanira zvinosanganisira mari zvekuti ashandise munyaya dzebudiriro.
Nekudaro, Hurumende inofanirwa kurumbidzwa zvikuru nekuuya kwayakaita nechirongwa cheDevolution.

Kunze kwekuunza budiriro munyaya dzeupfumi kumatanhu aya, chirongwa ichi chinoita zvakare kuti pave nemabasa.

Izvi zvinofambiranawo nechirongwa cheHurumende cheVision 2030 chekuti vanhu vave vanorarama upenyu hwepamusoro uye hunoendeka.

Mari iri kupihwa kumakanzuru iyi inogona kushandiswa mumabasa anosanganisira kuvandudza migwagwa, zvikoro, makiriniki kana zvirongwa zvekuwanisa veruzhinji mvura yakachena kuburikidza nekucheresa zvibhorani.

Izvi zvinoreva kuti vemakanzuru havasisina chekuhwanda nacho vachiti ndicho chiri kuvatadzisa kuita zvirongwa zvebudiriro mumatunhu avo.

Zvingatoshamisa kunzwa kuti kune mamwe makanzuru asiri kushandisa mari iyi zvizere sezvinotarisirwa.

Makanzuru anonzi akagarira mari iyi anosanganisira yeNkayi Rural District Council yekuMatabeleland North.

Kanzuru iyi inonzi yakapihwa $7 miriyoni pakati paZvita gore rapera naChikunguru gore rino asi $2 miriyoni haisati yashandiswa uye pari kutyirwa kuti mari iyi iri kudzikira kukosha kwayo apo nyaya dzebudiriro dzisiri kufambira mberi.

Sekutaura kwakaitwa nemutevedzeri wegurukota rezvekutongwa kwematunhu, mabasa eruzhinji nekuwaniswa kwedzimba, Cde Marian Chombo apo vaimema mabasa ari kuitwa pachishandiswa mari yeDevolution Fund kuNkayi, hazvifadze kuona mari ichidzikira kukosha kwayo yakagara asi paine basa rainofanirwa kushandiswa.

Zvakakosha kuti makanzuru ashandise mari iyi nenguva uye muzvirongwa zvine chekuita nebudiriro.

Hazvina kunaka kuti makanzuru aite zvekubatirwa shamhu kuti ashandise mari iyi nekudaro anofanirwa kurongeka oita zvinhu zvine pundutso muraramo yeruzhinji.

Share This:

Sponsored Links