Dexamethasone nekurapa Covid

20 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Dexamethasone nekurapa Covid Dexamethasone

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
PANGUVA iyo pasi rose razengezana nekuda kwechirwere cheCovid-19, icho chisati chawanirwa mushonga wekuchirapa, dzimwe nyanzvi dzekuUnited Kingdom dzinonzi dzakawana mushonga unobatsira varwere vari kutambudzwa nedenda iri.

Nyanzvi idzi dzinonzi dzakaita ongororo ndokuona kuti mushonga unonzi Dexamethasone — uyo wagara uriko uchishandiswa kurapa zvimwe zvirwere — unobatsira zvakanyanya varwere veCovid-19.

Dexamethasone mushonga uchiri kuongororwa kuti uonekwe kuti unobatsira here varwere vane coronavirus pasi rose.

Mushonga uyu unonzi unoderedza mikana yekufa kuvarwere.

Nyanzvi dzeutano kuUK dzinoti kudai mushonga uyu wakatanga kushandiswa mukurapa vanhu kunyika iyi pakatanga chirwere ichi, upenyu hwevanhu 5 000 hungadai hwakachengetedzwa.

Mushonga uyu wakaonekwa kuti unogona kubatsira zvikuru vanhu vari munyika dziri kutambura nekurwisa Covid-19.

Hurumende yeUK inoti ine huwandu hwe200 000 hwemishonga iyi uye ichaita kuti ushandiswe kuvarwere.

Professor Chris Whitty, avo vanova Chief Medical Officer weEngland, vanoti mushonga uyu uchabatsira mukuchengetedza upenyu hwevanhu pasi rose.

Zvakaonekwa kuti varwere 19 pa20 vanopora kubva kuchirwere ichi pasina kupihwa mibhedha muzvipatara uye kune vanopihwa mibhedha, vanpora pasina kuiswa pamichina inovabatsira kufema.

Dexamethasone yagara ichiwanikwa muzvipatara nemuzvitoro zvinotengesa mishonga sezvo ichishandiswa mukurapa zvimwe zvirwere seArthritis, Asthma nezvimwe zveganda.

Wakaonekwa uchibatsira zvekare mukurapa marwadzo uye kukuvara kunogona kuita dzimwe nhengo dzemuviri panguva iyo muviri unenge uchiedza kurwisa coronavirus.

Kuvarwere vari pamaventilators, Dexamethasone inonzi inoderedza mikana yekurasikirwa neupenyu kubva pachikamu che40 percent kuenda pa28 percent.

Kuchizoti kuvarwere vanenge vachida rubatsiro rwekufema, unoderedza mikana yekufa kubva pachikamu che25 percent kuenda pa20 percent.

“Mushonga uyu unotora mazuva gumi kuti murwere anaye. Vanhu havafanire kutenga mushonga uyu vachiushandisa vari kumba uye haubatsire vaya vanenge vasiri kurwara zvakanyanya, zvikuru panyaya dzekunetseka kufema,” vanodaro Prof Whitty.

Kwayedza yakamema muzvitoro zvinotengesa mishonga muguta reHarare ndokuona kuti Dexamethasone iri kuwanikwa iri pamajekiseni nemapiritsi.

“Dexamethasone tinayo asi inotengeserwa bedzi vanhu vanenge vakanyorerwa matsamba nemachiremba (prescription) uye hatingakuudzei mutengo wawo nekuti tinofanira kuziva mwero wamunoda kunwa kana kubaiwa,” anodaro mushandi wemuchimwe chitoro.

Zvakawanda zvezvitoro zvemishonga zvakashanyirwa neKwayedza zvaiti zvine Dexamethasone asi zvimwe zvainge zvisina.

Vanoti mishonga yakaita seDexamethasone haisi mitsva munyaya dzekurapa sezvo yagara ichishandiswa kurapa zvimwe zvirwere zvinokanganisa pakufema seAsthma.

Musangano wedare reCabinet svondo rino wakakurukurawo pamusoro pemishonga inonzi inogona kushandiswa kuvarwere veCovid-19 ndokuona kuti mimwe yacho haisati yave kushandiswa muZimbabwe nekuda kwekuti hamuna vari kurwara zvakanyanya.

“Panyaya yekushandiswa kweHydroxychloroquine neAlpha Interferon, zvajekeswa kuti Alpha Interferon haisati yoshandiswa muno sezvo pari zvino tisina vari kurwara zvakanyaya neCovid-19. Mushonga uyu unosevenzeswa kune vanorwarisa chete, kwete vanenge vari pakati nepakati,” gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa vakaudza vatori venhau mushure memusangano wedare iri nemusi weChipiri.

Vanoti kushandiswa kwemishonga yechivanhu — yemuno kana yekunze — mukurapa Covid-19 kunofanirwa kuitwa chete mushure mekuongororwa kwayo zviri pamutemo.

Share This:

Sponsored Links