Dhibhisai mombe – DVS

12 Jan, 2022 - 15:01 0 Views
Dhibhisai mombe – DVS Dr Josphat Nyika

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BAZI rinoona nezveutano hwemhuka, reDepartment of Veterinary Services (DVS) rinoti rine mishonga yakakwana yekurwisa zvirwere zvinobata zvipfuyo, kunyanya munguva ino yeZhizha apo zvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe zvinowanda.

Muhurukuro naDr Josphat Nyika vanova chief director weDVS, vanoti gore rapera Hurumende nevamwe vatsigiri vakapa $67 miriyoni kubazi ravo kuti ishandiswe mukugadzurudza madhibhi 2 000 ayo ainge aparara.

“Midziyo yekugadzirisa madhibhi aya yakatoendeswa kumatunhu ose munyika kuti ishandiswe mukuagadzirisa. Gore rino ra2022, tichavaka mamwe madhibhi matsva mazana munyika yose uye chikumbiro chemari yebhajeti chakatoendeswa kubazi rinoona nezvemari,” vanodaro.

Dr Nyika vanoti zvirwere zvezvishambwe zviri kuratidza kuderera mwedzi mina yadarika.

“Kune zvirwere zvinowanzobata mombe munguva yekunaya kwemvura zvakadai seTheileriosis kana kuti January Disease chinova chakauraya mazana nemazana emombe mumakore apfuura. Gore rapera, chirwere cheJanuary Diasese uye zvirwere zvezvishambwe zvakakonzera kufa kwemombe dzine chikamu che60 percent apo matunhu akadai seMashonaland West – kunyanya kuMhondoro-Ngezi, kuMasvingo (Gutu District) uye kuMashonaland East, zvikuru kuWedza District dziri idzo nzvimbo dzanyanya kutambudzwa nechirwere ichi. Dunhu reMatabeleland ndiro bedzi risina kunyanya kutambudzwa nechirwere cheJanuary Disease,” vanodaro.

Dr Nyika vanoti mumatunhu mazhinji, varimi vava kutodhibhisa mombe dzavo pasvondo rega-rega nekuda kwekuwanda kuri kuita nyaya dzezvishambwe mumwaka wekunaya kwemvura.

“Tine mishonga yakakwana yekudhibhisa mombe pasvondo rega-rega kusvika pakupera kwemwaka wemvura. Asi dambudziko nderekuti mamwe madhibha akasakara uye kushomeka kwemombe dziri kuuya kuzodhibhiswa pamwe nekushomekawo kwemvura mumatunhu akadai seMatabeleland North neSouth uye Masvingo neMidlands,” vanodaro Dr Nyika.

Vanoti bazi ravo richange richifamba richikusha mashoko echenjedzo nekukurudzira varimi kuti vadhibhise mombe dzavo.
“Dambudziko guru riripo nderekuti varimi vazhinji havasi kudhibhisa mombe dzavo saka zvinhu zvinorwadza kuti munzvimbo zhinji dzine madhibhi ndimo muri kuwanda zvekare dambudziko rezvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe,” vanodaro Dr Nyika.

Vanoti kuregedza kudhibhisa mombe imhosva huru pasi pemutemo weAnimal Health (Cattle Cleansing) Regulations 1993 apo varimi vanotosungirwa kudhibhisa zvipfuyo zvavo.

“Tinokurudzira varimi kuti vachengetedze chikafu chezvipfuyo zvavo kuitira kuti zvisazofe nenzara mumwaka wechirimo,” vanodaro Dr Nyika.

Vanokurudzirawo varimi kuti vabaise mombe dzavo majekiseni ekudzivirira zvirwere zvinosanganisira tungundu, blackleg nebotulism.

Share This:

Sponsored Links