Dhiri rehove dzemukoto rakaputika

11 Sep, 2022 - 13:09 0 Views
Dhiri rehove dzemukoto rakaputika mackerel

Kwayedza

Ray Bande

MATIKITIVHA eCriminal Investigation Department (CID) nemusi weMuvhuro akabata rori rakanga rakazara nehove dzemackerel richibva kuMozambique apo raida kupinda munyika muno zvisiri pemutemo richishandisa mugwagwa wemukoto kwaMutare.

Mutauriri weCID kuManicaland, Detective Sergeant Shake Shanu vanotsinhira kusungwa kwaAndrew Donga (28) wekuChikanga Phase Two kwaMutare naSimbarashe Mariko (27) wekuBorder Streams.

Detective Sergeant Shanu vanoti neMuvhuro, matikitivha vaitenderera pamuganhu wenyika vakanyeurirwa kuti Donga naMariko vaipinza hove nepaBorder Streams panova pasingatenderwe.

“Vachishanda nemashoko avakanga vapihwa, matikitivha vakahwandira mumugwagwa weBorder Streams vakabata mota yerudzi rweHino Ranger yakanga iine mabhokisi 200 ema30kgs aiva nehove dzerudzi rwemackerel dzaibva kuMozambique.

“Rori iri raityairwa naDonga uyo aiva naMariko. Vaviri ava vakanzi vaburitse magwaro anoratidza kuti vaipinza hove idzi zviri pamutemo asi vakatadza kuita izvi,” vanodaro Detective Sergeant Shanu.
Vanoenderera mberi vachiti, “Vaviri ava vakasungwa. Mapurisa akawana mabhokisi ehove aya ose ari 200 ayo anokosha mari inosvika US$8 000.”
Vaviri ava vari kupomerwa kutyora mutemo weCustoms and Excise Act, Chapter 23.02.

Share This:

Sponsored Links