‘Dhudhu’ padare rasabhuku

22 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
‘Dhudhu’ padare rasabhuku John Muroiwa achibuda ropa mushure mekurikitwa nechaunga. — Mifananidzo naJames Mugwisi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

DARE rasabhuku wekwaMambo Negomo, kuChiweshe, harina kuzopera zvakanaka mushure mekunge pamuka bongozozo iro rakazosiya mutevedzeri washabhuku ava nembonje uye ojuja ropa nekurohwa neveruzhinji apo kamwana kane makore 12 okuberekwa kakafumura imwewo nyaya iyo yakagumbura vanhu vaivepo kudarika nhau yaitongwapo.Chaunga chevanhu vemumusha uyu — avo vainge vaungana paitongwa imwewo nyaya — vakazoita dititi kuzvambaradza munin’ina washabhuku uyo akangocheruka apumhwa mhosva yekubata chibharo nekamwana kaive mukati meruzhinji.

Murume uyu akarohwa Kwayedza iripo mwana uyu paakataurira vamwe vanhukadzi aive padare iri kuti murume uyu akamubata chibharo.

John Muroiwa (49) – uyo anova munin’ina wasabhuku – ainge amiswa mudare remusha uyu nemusi weChishanu wadarika achipomerwa mhosva yekupfimba mwanasikana wake, Faith Mazowe (18), apo akazonongedzwa nemwana uyu achiti akamubata chibharo.

Veruzhinji ndipo pavakabva vaita chirwirangwe ndokumurova zvekusara akuvara.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yava kuferefetwa.

“Inyaya iri mumawoko emapurisa, asi zvakawanda zvinoda kuti ndizokuzivisai kana ndatanga ndataura nemapurisa edu ariko,” vanodaro.

Mushure mekubuda kwenyaya iyi padare rasabhuku uye kuzorohwa kwakaitwa John nechaunga, murume uyu ainge ambotiza. Asi nemusi weChitatu svondo rino, Insp Mundembe vakaudza Kwayedza kuti murume uyu akazosungwa uye kuongororwa kwenyaya iyi kuri kufambira mberi.

Mwana anonzi akabatwa chibharo uyu akaendwa naye kuchipatara cheConcession uko akanoongororwa namachiremba akawanikwa achinzi akabatwa chibharo ndokutapurirwa chirwere chepabonde.

Zvichakadai, dare raitonga nyaya yaJohn yekupfimba mwanasikana wake — iro raitungamirirwa naSabhuku Muroiwa, VaTerence Muroiwa (68) — rakazoperera panzira apo mhomho yevanhu yainge yangova zvimbokoma, vakawanda vorova murume uyu nekuda kwenyaya yaari kupomerwa nekamwana.

Sekutaura kwaamai vemwana uyu — avo vane makore (38) okuberekwa uye vakatombofenda neshungu padare iri — vanoti mwana wavo akangotanga kutaura nyaya yekubhinywa kwake naJohn kumamwe madzimai aivapo achiti munin’ina wasabhuku akamubata kusango riri pedyo nemusha wavo.

Mwana uyu anonzi akati John akavimbisa kuzogara achimupa tunonaka kana akasafumura mhosva iyi asi ndokumutyisidzira nerufu kana akazviti bufu.

“Nyaya iyi inonzi yakatanga kutaurwa nezuro (musi weChina wadarika) mwana uyu achiudza mamwe madzimai vasina kukwanisa kunditaurira ini amai vake. Tazonzwa ndave kushevedzwa panze ndichinzi, ‘huyai munzwe nyaya iri kutaurwa nemwana wenyu’ apo ndatorwa ndikapindwa neni mumba umu. Ndaudzwa kuti murume uyu (John) uyo ane imwewo nyaya yatakaunganira pano nhasi, akabata mwana wangu chibharo.

“Adiiko kungoperera pakudanana nemadzimai makuru pane kubata mwana wangu chibharo? Hubhuru hwake hwanyanya, apedza madzimai evanhu, iye zvino ava kuvana vadiki,” vanodaro amai vemwana uyu.

Amai vemwana uyu nevamwe vakanzwa nyaya iyi vakabva vaviruka nehasha pakarepo, ndokutanga kurova John uyo akamboedza kupukunyura ndokukundikana.

“Ngaandiuraye kani John, kundikuvadzira mwana wangu? Ndakamutadzire? Pamwe mwana wangu ava nechirwere,” vanodaro amai vemwana uyu.

Kwayedza yakataura nekasikana aka kachisvimha misodzi kachiti kaitya kuzvitaura uye kaive kazozvifumura nekuona kuti paiva nevanhu vakawanda.

Mwana uyu akataura zvakawanda izvo zvatisingaburitse sebepanhau remhuri.

Vamwe vaive padare iri vakaona nhamo nekurandutsira vanhu vaiita John kanyama-kanyama.

Vanhu vachida kurova John

Amai vemwana uyu vakazofenda vakadirwa mvura kuti vamuke.

Vanhu vakanzwikwa vachishevedzera nemazwi ari pamusoro kuti, “John Muroiwa ngaauraiwe nekuti zvivi zvake zvawanda. Toita seiko nemurume apedza vakadzi vedu? Zvino anhanhira kuvana vedu, ngatingopedzai naye tiende kujeri!” Sabhuku Muroiwa

vakaedzawo kudzivirira botso revanhu vaidarika makumi mashanu ava.

“Nhai munin’ina John chiiko zvakare ichi? Yava imwezve nyaya here yakamwana pane yatanga taunganira pano? Inga zvakaoma,” vanodaro Sabhuku Muroiwa.

Nyaya iyi yakazonomhan’arwa kumapurisa eZRP Chombira musi wakare. Vobvunzwa nezvekurohwa kwaJohn neveruzhinji, Insp Mundembe vanoti: “Kwatiri semapurisa, nyaya yekurohwa kwemusungwa uyu neruzhinji haina kusvika.

“Zvisinei, hatikurudzire vanhu kurova munhu kana vachinge vamubata uye vachifunga kuti apara mhosva.

“Veruzhinji vanotenderwa kusunga munhu anonzi apara mhosva, asi ngavamuendese kumapurisa, kwete kumurova sezvo kuita izvi kuri kuisa mutemo muhomwe dzavo.”

Dare rasabhuku, ishe kana mambo rinongoremekedzwa sezvinoitwa mamwe matare anotonga mhosva.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey