Uncategorized

Dhuma-dhuma nembizi muna Seke Road

23 Jul, 2021 - 14:07 0 Views
Dhuma-dhuma nembizi muna Seke Road

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME ange achityaira motokari yerudzi rweToyota Fortuner aita tsaona paMvurachena kana kuti paChinhamo nhasi mangwanani mumugwagwa Seke Road apo aroverana nembizi ichibva yangofira ipapo iye achibva kuChitungwiza.
Tsaona iyi yaita kuti motokari idzo dzanga dzakananga muguta reHarare dzikundikane kufamba zvakanaka apo vamwe vanhu vanga vava kudzika vachienda kunozvionera mhuka yesango iyi.

Murume uyu, uyo akumbira kuti asaburitswe zita rake asi ndokubvuma kukurukura neKwayedza, anoti haana kukuvara mutsaona iyi zvisinei nekuti motokari yake yaparara nechekumberi.

“Zvaitika kuma6 dzemangwanani apo ndanga ndichityaira ndiri mumugwagwa wemukati (inner lane) ndichibva kuChitungwiza ndakananga muguta reHarare. Pandasvika pazambuko pano, ndipo pandaona mbizi nhanhatu dzange dzichimhanya dzakananga kumabvazuva. Dzimwe shanu dzayambuka zvakanaka ndichibva ndarova yekupedzisira nechekumashure kwayo zvekuti motokari yangu yanga yava kutobuda mumugwagwa ndichibva ndakakaritsana nayo kuti isapoye mumugwagwa,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Ndafonera vanoona nezvemhuka veParks and Wildlife Authority saka vati vari kuuya, ndicharamba ndakarindirira mhuka iyi kusvika vauya.”

Mota yadhumha mbizi mumugwagwa Seke Road 

Mukushi wemashoko kuZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks), VaTinashe Farawo, vanoti kune vanhu vari kuchengeta mhuka munharaunda yakakomberedza nzvimbo yaitikira tsaona iyi.

VaTinashe Farawo

“Hongu, bazi redu rinochengeta mhuka asi tinopawo magwaro ekuchengeta mhuka kune vamwe vanhu vakazvimiririra. Mhuka dzinenge dziri dzedu saka tinovapa kuti vachengete mushure mekuona kuti vakakodzera here uye nzvimbo dzavanochengetera.
“Hakasi kekutanga mhuka dzichitsikwa panzvimbo iyi, saka tava kuita ongororo tione kuti vanhu vatiri kupa mhuka ava vari kutevedza here mitemo yakatarwa. Kana vakabatwa nemhosva tinovatorera marezinesi ekuchengeta mhuka,” vanodaro.
Vanoti mhuka idzi dzinenge dzichichengetwa nechemukati, kure nemigwagwa asi mikana yekupoya inogona kuvapo sezvo dzisiri zvikara zviya zvinokuvadza vanhu.

“Mhuka dzatinovapa kazhinji ndedziya dzinongochengetwa munharaunda dzisingakanganise vanhu, asi dzinofanira kuchengetwa zvakanaka. Tinopota tichiita ongororo kune vose vatinenge tapa.

“Zvinorwadza kuti tiri kurasikirwa nemhuka zhinji mutsaona dzerudzi urwu,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa muHarare, Inspector Tendai Mwanza, vanotiwo tsaona iyi ichiri kuferefetwa.

Insp Mwanza

“Ichokwadi kune mbizi yatsikwa ikafa mumugwagwa waSeke mushure mekunge yapoya kubva mune rimwe purazi riri pedyo. Mbizi idzi dzanga dziri ina, imwe yacho ndiyo yabva yatsikwa nemotokari. Mutumbi wayo watobviswa.

“Tinoyambira vatyairi kuti vafambe vakangwarira pamwe nekucherechedza zvose zvinoitika mumigwagwa senzira yekuderedza tsaona dzerudzi urwu. Zvisinei, mapurisa achiri kuita ongororo yenyaya iyi,” vanodaro Inspector Mwanza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey