Tendai Gukutikwa ari kwaMUTARE
MUDZIMAI wekuZimunya, kwaMutare, anoti ari kushungurudzwa nenyoka yeruvara rwe”brown” iyo inomuteverera ichimuonesa pfumvu mushure mekunge anetsana nehanzvadzi yake achiipomera kukonzera nyonga nyonga mumhuri nekuda kwemabasa ehuroyi.
Ari kushungurudzwa nenyoka iyi ndiSeline Rakatsinzwa uyo anoti inomushanyira panguva ipi zvayo ari pamba pake.
Anoti mashura aya akatanga apo akatsigirana nevamwe vemhuri yavo vachipomera hanzvadzi yake, Elliot Rakatsinzwa, kuita zvehuroyi uye ndokumuudza pajekerere kuti anofanirwa kusiyana nemabasa erima aya.
Nyoka iyi inonzi ine mutsetse muchena padumbu.
Yakazobviswa mubhegi rake diki neimwe n’anga izvo zvakaita kuti pakutanga hama dzake dzifungire kuti naiyewo anoita mabasa ehuroyi.
Izvi zvakabuda mudare raSadunhu Chigodora nguva pfupi yadarika.
“Muzukuru wangu akaendesa hanzvadzi yangu kudare achimuti ndiye ari kukonzera matambudziko ari kusangana nemhuri. Saka aida mhinduro.
“Hanzvadzi yangu yaisazvida asi dare rakakurudzira kuti titsvage n’anga mhuri ibatsirike asi hazvina kundipa zororo nekuti nyoka yebhurauni ine mutsetse muchena padumbu iri kuramba ichinditambudza. Saka pakauya n’anga nyoka yakaburitswa mubhegi rangu izvo zvakaita sekuti ini ndini muroyi wacho,” anodaro Seline.
Anoti n’anga iyi yakadaidza zita rake ikati inoda bhegi rake, mushure mezvo kwava kuburitsa nyoka iyo yaanogara achiona mazuva ose.
Selina anoti pakaburitswa nyoka iyi mubhegi rake, vemhuri vakava nefungidziro huru yekuti ndiye ari kuvaroya.
“N’anga iyi yakadudza kuti nyoka iyi ndiyo yaigara ichitenderera mumusha medu uye yakaiswa mubhegi rangu nemunhu akaitsvaga kuti zviite sekuti ndini muridzi wayo nekuti ini pandakanzi ndiunze bhegi ndakariendesa pajekerere. Muridzi wenyoka ainzi ane mushonga wemugaran’anga,” anodaro.
Seline anoti n’anga yakati zvekare nyoka iyi yainge yakaiswa mubhegi rake kuti itore mashoko ese anenge achitaurwa nevemhuri vekuchikwata chake ichitumira kumuridzi wayo.
“Vanhu pavakanzwa izvi zvekuti nyoka iyi yakange isiri yangu, ndipo pavakatanga kundichenura panyaya iyi. Ndinofungidzira kuti hanzvadzi yangu ndiyo yakaisa nyoka iyi mubhegi rangu uye kuti irambe ichinditevera nekuti ndichiri kuiona,” anodaro.
Elliot haana kuunda kudare kuti anopawo divi rake panyaya iyi.
Mupurisa waSadunhu Chigodora, VaKudakwashe Maina, vakaudzawo dare iri kuti nyoka iyi vakasangana nayo apo vaida kunotora vamwe vemhuri yekwaRakatsinzwa kuti vaende vose kune imwe n’anga iri kuMarondera kunotsvaga rubatsiro pamusoro pedambudziko iri.
“Sezvo ndakasangana nenyoka iyi, ndinotsinhira nyaya iyi kuti ndeyechokwadi. Nyoka iyi yaitoda kundiruma kuitira kuti ndisatorane nevemhuri iyi tiende kunobvunzira kun’anga.
“Yaive nguva yemangwanani apo nyoka yebhurauni ine mutsetse muchena padumbu iyi ndakongoerekana ndave kuiona. Yakanditarisa uye ini ndokuitarisawo. Yakaita seinoda kundiruma ndokubva yazongoverera.
“Handina zvakawanda zvandakafunga pamusoro penyoka iyi kusvikira apo yakazoburitswa mubhegi raSeline neimwe n’anga, chinove chinhambwe chemakiromita 100 kubva pandainge ndaiona munguva dzemangwanani,” vanodaro VaMaina.
Vanoti n’anga iyi yakatadza kutaura kuti ndiani ari kukonzera matambudziko mumhuri yekwaRakatsinzwa sezvo munhu wacho ari kupomerwa aine mugaran’anga.
Mugaran’anga mushonga unoita kuti kana munhu achishereketa uye vamwe vakaenda kunobvunzira, n’anga yacho inodzimaidzwa yotadza kuona kana kuziva kuti ndiani ari kuroya nekutambudza mhuri.
VaMaina vanoti n’anga yacho yakavaudza kuti nyoka iyi ndiyo yaive honzeri huru yematambudziko ari kusangana nemhuri yekwaRakatsinzwa.
Sadunhu Chigodora vakati nyaya iyi ichaenderera mberi nekutongwa munguva inotevera kana Elliot apihwa masamanisi ekuti auya kudare.