Dingindira guru

06 Sep, 2019 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

SVONDO rakapfuura takapedzisira kuita ongororo yekupindirana kwemusoro webhuku nenyaya iri muna Gona ReChimurenga. Svondo rino tinobata madingindira anowanikwa mubhuku iri. Mave kuziva kuti dingindira ndiyo pfungwa huru inobuda murungano sekudzidzisa kwandakamboita nguva yapfuura.

Dingindira ndingangoti ndidzo pfungwa huru dzinenge dzichiedza kuchovherwa nemunyori kuti vaverengi vazive. Naizvozvo muchaona kuti dingindira guru riri kubuda murungano urwu nderehondo yeChimurenga yakaitika munyika yeZimbabwe. Tichaita ongororo iyi tichishandisa mubvunzo unotevera.

Tsanangura madingindira mashanu anowanikwa muna Gona ReChimurenga.

Zvinodiwa nemubvunzo uyu ndezvekuti utange wadoma dingindira uye wochizopa tsigiro mbiri kana kupfuura. Tsigiro yacho inofanira kunge ichibva parongetedzo yenyaya (plot). Ndizvo zvinoratidza kukosha kwedingindira nekuti pasinga kudaro hapana hudingindira hungabuda.

Dingindira rinofanira kujekesa kuti rinobatsiridza kuti nyaya ifambire mberi.

Madingindira anobuda muna Gona ReChimurenga ndeaya; hondo, udzvanyiriri, matambudziko anowira magandanga, kutyorwa kwekodzero dzevanhu, rufu, rudo nemamwewo.

Muna Gona ReChimurenga mune dingindira rehondo. Izvi tinozviona panorwiwa hondo yaive pakati pemasoja nemagandanga kwaMurehwa mudunhu rekwaRota apo Masango naShamwariyeropa vanopfurwa nepfuti vachibva vafa. Tinoona panouraiwa Muchapera nemasoja munguva yehondo apo anofa achiita zvekuputikirwa negrenade rakanga rine mumwe wevachena.

Hondo inorwiwa nevachena kwaRota apo vanenge vachirwa vachishandisa pfuti inojekesa zvakanyanya dingindira rehondo.

Muna Gona ReChimurenga tinowana dingindira rehudzvanyiriri. Vachena vakanga vapamba nyika yevanhu vatema ndokutanga kuvaitira hutsinye kuburikidza nekuvashandisa vasingavape muripo unogutsa.

Izvi zvinobuda panonzi naMabhunu, “Hongu tairwisa udzvinyiriri noumbavha. Bhunu ndiro rakange raunza zvose izvi saka ndiro randaida. Vakuru vedu vairwisa chirwere chinonzi hudzvinyiriri chete asi ini handaida kuona bhunu.”

Vachena vaibata vanhu vatema zveutsinye sepanonzi, “Ndonzi pfugama tinamate ndovhara maziso iye onditorera pfuma nenyika. Ndotukwa ndorohwa nokubatwa somuranda mumusha wangu. Udzvanyiriri rudzii hunenge hwetsikidzi hwokutandanisa ini muridzi wemba iyo yogaramo?”

Tinopedzisa mhinduro yemubvunzo wemadingindira svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links