DNA yaputsa muchato . . . mukadzi arova pasi achisiya murume nevana

03 Sep, 2022 - 16:09 0 Views
DNA yaputsa muchato . . . mukadzi arova pasi achisiya murume nevana Rudo Chuma

Kwayedza

Arron Nyamayaro

MUDZIMAI anogara mumusha weMbare atiza mhuri yake mushure mekunge zvabuda muongororo yemaDNA yaratidza kuti mumwe wevana vake vaviri haasi wemurume wake.

Rudo Chuma anonzi akatotuta midziyo yose ndokutiza murume wake, Masimba Madzima, nevana mushure mekubuda kweongororo yemaDNA.

Rudo anonzi akashamisika kuti zvakabuda pakaitwa maDNA zvinoratidza kuti mumwe wevana vake haasi waMasimba.

Anonzi akangobva pamba asina kuoneka kana kutaura.

Hanzvadzi yaMasimba, Matiwonesa Madzima, anoti “Mweya Mutsvene” unofanira kunge wakapindira pakuzvarwa kwemwana uyu.

“Rudo akasarudza kutiza pakabuda maresults eDNA asi murume wake neni hatina kuvhundutswa nezvakabuda izvi,” anodaro Matiwonesa.

“Inini ndakarambwa nenyaya yekutadza kuzvara uye tinofara nevana vaviri vaMasimba. Ndinovimba kuti Mweya Mutsvene wakapindira kuti Masimba apihwe vana vaviri ava.

“Rudo akatora zvinhu zvakawanda mumba mushure mekutaurirwa nezvemaresults eDNA. Tainzwa zvakawanda kubva kubasa kwake asi hapana akambomubvunza,” anodaro pamusoro pemuroora wake.

Masimba anoti achazopa divi renyaya iyi pamberi apo, kwete iye zvino.

“Ndichazotaura kana ongororo yapedzwa nekuti pane zviri kuitika. Rudo anoti anga asingazive nezvenyaya iyi uye haana chekutaura.

Share This:

Sponsored Links