Dombo rinoiswa paguva rinorevei?

08 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

MUNONZWA zvichitaurwa, vamwe makazviita mumhuri dzenyu; munozvionawo mumapepanhau vanhu vachishambadza, kana kungoona makuva akapera kare anenge akaiswa dombo rokumusoro (tombstone).

Muno muguta reHarare tikaenda kunzvimbo dzine makuva tinoona makuva mazhinji, kunyanya avanhu vakashaya kwave nechinguva, akaiswa matombstone.

Tavewo pedyo nezororo ramagamba romuna Nyamavhuvhu, munozivikanwa kuti mhuri zhinji dzinoungana kunoisa matombo pamakuva ehama.

Ngationesanei kuti iwo matombo aya anomirirei, kana kuti anoisirwei. Tsika iyi yakagara iriko here?

Ko zvazvinonzi mamwe emadzitateguru edu aivigwa mumapako, anove matombo pakare, nyaya yematombo anoiswa kumusoro kweguva yaiveko here?

Mimwe mibvunzo ndeyokuti itsika yakaunzwa nechitendero chechiKristu here, uyewo kana zvirizvo, ndepapi muBhaibheri panotsigira kuiswa kedombo paguva?

Ko iro dombo racho rinoiswa kwapera nguva yakareba sei munhu ashaya? Rinenge riri dombo rakakura sei, uyewo riri remhandoi, nokuti tikatarisa matombo ari pamakuva, tinoona mhando dzakasiyana-siyana, zvimwe zvichiita kunge vanhu vari kuita makwikwi?

Ko kana dombo rikasaiswa paguva, zvine basa here kana kuti kwete?

Vamwewo pavanoisa matombo aya vanoita mitambo vachikoka hama neshamwari dzakawanda kuti vabatane navo mukuisa dombo iri (unveiling of tombstone).

Zvinorevei, nokuti vamwe vari muzvitendero vanoti kunenge kwave kunamata vakafa, vamwewo vachitaura kuti vanhu vave kuhwanda nokuisa matombo, asi chokwadi chinenge chiripo ndechokuti vanenge vari kurova makuva. Chokwadi ndechipi?

Muverengi, zvichida iwe neni tiri kutsvaga mhinduro pazvinhu zvatinoita kunge tine ruzivo nazvo, isu tisina, nokuti zvinhu zvatave kungoona sezvechizvino-zvino, zvinosungirwa kuitwa.

Sezvo tsika dzamachemero nokurangarira vafi zvakasiyana-siyana muZimbabwe, ndakaita tsvagurudzo mumagwaro andakaona kuti ndimo munenge makatorwa zvizhinji zvinoshandiswa nhasi uno.

Zvakave pachena kuti itsika yakauya navauyi, vapambepfumi, asi kana naivowo, zvinoratidza kuti zvizhinji zvavanoita, vakazvitora kutsika yechiJudha, muBhaibheri.

Kubhuku raGenesisi 35: 19-20 zvinonzi, “Rakeri akafa, akavigwa panzira inoenda Efurata (rimwe zita reBhetirehema). Jakobho akamisa shongwe pamusoro perinda rake, ndiyo shongwe yerinda raRakeri, kusvikira zuva ranhasi.”

Shongwe iri kutaurwa haina kusiyana nedombo rinoiswa paguva.

Rimwe guva zvakare rine mukurumbira ndera Ishe Jesu Kristu. Akafa, akamuka makore 2 000 akapfuura, asi nhasi uno ukashanyira nyika yeIsrael, guva iri ndiyo imwe yenzvimbo inoshanyirwa zvakanyanya.  Havasi kureva nhema kuti ndiro guva raJesu, nokuti pane zviripo zvinoonekwa zvakaiswa panguva iyoyo yaakafa, akavigwa.

Mutsvagurudzo ndakaonawo kuti dombo rinoiswa paguva kuitira kuti zvizivikanwe kuti akaradzikwa panzvimbo iyoyo ndiani.

Kana hama neshamwari vakada kunoona, havaite dambudziko kuriwana, kunyanya pane vanhu vanovigwa kumarinda anovigwa ruzhinji.

Vanotiwo hapana murao wokuti dombo rinofanirwa kunge rakakura sei, asi mamwe marinda anotara kukura kwedombo, nokuti vanoti rufu rwunotienzanisa tese.

Padombo iri panoiswa zvinhu zvakakosha: zita romushakabvu, zuva, mwedzi negore zvokuzvarwa; uyewo zuva, mwedzi negore roakashaika.

Pamakuva mazhinji, vanhu vanonyora mashoko avanonzwa kuti akakosha kurangarira hama yavo. Vamwe vanonyora vhesi romuBhaibheri ravanofarira kana kuti raifarirwa nomushakabvu. Asi vazhinji vanongonyora kuti: “Apa ndipo pakarara (zita rake).  Mweya wake ngauzorore murugare rwaMwari.”

Vanotiwo, kuiswa kwedombo kunofanirwa kuitwa mushure megore rokunge munhu ashaika. Vazhinji vave kuzviitawo muno zvichibva nokuti homwe yemari yakamira sei. Asi kana ari munhu akaradzikwa muguva risina kuvakirirwa paaivigwa, unonzwa zvichinzi kuvakirira nokuisa dombo ngazviitwe mushure mokunge guva ranaiwa, kuitira kuti risadhirike.

Zvinoitika panoiswa dombo, zvinobva nenzvimbo, uyewo kuti chitendero chenyu chakamira sei.

Muverengi, tiudze kuti kwenyu munozvifambisa sei, uyewo nemakakatanwa aripo panyaya yokuvakirira makuva nokuisa dombo, makakatanwa asiri okuti vanhu havana mari.

Share This:

Sponsored Links