Dombodzvuku yoita zvinorova

30 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Dombodzvuku yoita zvinorova VaFidelis Mukubvu

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
CHIKORO cheDombodzvuku Primary School chekwaMurehwa chiri mudenga rechinonwe zvichitevera kukunda kwakaita vanasikana vaviri vepo mumakwikwi eProvincial Schools Science, Arts Festival (PASSAF) edunhu reMashonaland East ayo akaitwa nguva yadarika.

Vana vaviri ava vave mushishi kugadzirira kunopinda mumakwishu enyika yose. Mukuru wechikoro ichi, VaFidelis Mukubvu, vanoti vari kuita gadziriro dzekuendesa vana ava kumakwikwi eNational Schools Science Arts Festival (NASSAF) ayo achaitirwa kuBulawayo muna Gunyana wegore rino.

Vanasikana ava ndiHope Makuvise, uyo anova shasha yekugadzira zvuma, naTanyaradzwa Muzariri – nyanzvi pakutaura (public speaking).

Vana ava vakakwikwidza ndokukunda mumakwikwi edunhu ravo nguva ichangodarika. Makuvise akaita nhamba hwani mumakwikwi ekugadzira zvuma kuchitiwo Muzariri akatora nhamba yechipiri mumakwikwi ekutaura.

“Chikoro chedu chinozivikanwa zvakanyanya nenyaya dzemutambo wemuchongoyo uye takatora mikombe yakawanda mumakwikwi enyika atakapinda. Pari zvino ndiri kufara pakuti vana vedu vari kuenda kumakwikwi ekutanga muno munyika eNASSAF kuBulawayo vachinokwikwidza nezvimwe zvikoro nyika yose,” vanodaro.

VaMukubvu vanoenderera mberi vachiti, “Uyu mucherechedzo wekuti varairidzi vari kuita basa nemazvo pakufambisa makwikwi aya ayo akanangana nezvinodiwa neNew Curriculum anova anosimudzira hunyanzvi muvana.

“Kugadzira zvuma kwakanangana nechinyakare uye netsika nemagariro edu echivanhu zvinova zvinofambidzana nemuchongoyo uyo watagara tichitora mukombe. Mumwe wevana vedu ari kuenda zvakare achipinda mumakwikwi ekutaura izvo zvatiri kushuvira kuti zvichasimudzira zita rechikoro chedu.”

VaMukubvu vanoti vari kufara zvakare kuti chikoro chavo chiri kumiririrwa nevanasikana mumakwikwi aya unova mucherechedzo wekuratidza kukoshesa kwavanoita dzidzo yemwanasikana.

“Vamwe vanasikana vanokasira kupedza chikoro nekushairwa mari asi vakomana vachiwanirwa uye vamwe vanokasira kuroorwa, kunyanya kumaruwa. Uyu mucherechedzo wekuti chikoro chedu chinokurudzira vanasikana kusimudzira zvipo zvavainazvo uye tinovapa mukana nenguva yekuzviratidza kuburikidza nekupinda mumakwikwi akadai.

“Tiri kutarisira kuti makwikwi anotevera eNASSAF tichange tiine vana vakawanda vachazonomirira chikoro chedu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links