Door rekufunga rakadonha mupfungwa

17 Apr, 2019 - 13:04 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa
HANDISI munhu anovaviwa nemhezi dzeruvengo. Zvakarewo handisi munhu anovenga, nekuti ruvengo rwakafanana nenyama yakatsvukirira uye iri kunhuhwirira, asi isingadyike nekuti yawanzwa sauti.

Usafunge kuti ndinovenga nyaya kana zvinhu zviri kuitika munyika nepasi rese, asi ndaneta nekumhanya nekuwanda kwemafashamu emashoko, nhau, mavhidhiyo, fashoni, zvematongerwo enyika, zvemari nezvevanhu.

Tave kuziva zvakawanda pamusoro pevamwe vanhu, asi isu tisingazive zvakawanda pamusoro pehupenyu hwedu, kana hupenyu hwevanhu vatinogara navo mumba medu kana vavakidzani vedu.

Hanzvadzi yangu inoita maUpdates emaStatus nemaProfile Picture kunge munhu ari pakosi yemapiritsi.

Tave kugara takatsikitsira nekuti tinenge tiri paAtari dzezvipiriso zvefoni dzedu.

Hatisi kuda kusaririra muzvinhu zvatanzwa. Tiri kutumira nekutumirwa mavhidhiyo.

Tave nemasekero asiri kuseka ekuti kikikiki zvekuti kana kiti iri kunwa mukaka inogona kukachidzwa. Tiri kutaura nekutsvaga nzira dzekuratidzana kuti tiri kuziva zviri kuitika uko nekoko, apo nepapo.

Foni dzave mukana wekutiitisa nekutionesa zvinhu nezvisina musoro. Kana newewo Lizzie, uri kubvuma kutumwa nefoni? Kuzvitora mufananidzo wakashama kuti ugoonekwa newawatumira chete here?

Neimwe nzira kuve nefoni kutukwa nekuti uri bhini, uri chemba, uri muranda. Nguva zhinji zvinhu zvinoitika nezvaunotumirwa hauzive kwazviri kubva. Wafanana nemunhu atambidzwa sadza nenyama yenyoka yakanyatsokangwa, ine madomasi nemuto.

Vazhinji vedu hatichafunga, uye hatichagona kuramba kupakurirwa nyoka, nyangwe tisingadye nyoka, nyangwe tichitya nyoka, nyangwe tichiziva kuti nyoka haibikwe nekudyiwa. Door rekufunga rakadonha mupfungwa dzedu zvekuti chero imbwa nemarara zvave kungopinda.

Kungoshama uchidya zvese zvese kwatiita kuti tive vanhu vevamwe vanhu. Nhai iwe, imbondiudzawo, uri waani?

Kare kaive nani nekuti taiziva kuti kune vanhu vaMwari nevanhu vaSatani. Asi nhasi uno vanhu vazhinji vave vanhu vevamwe vanhu. Zvimbwa zvewasungata.

Mwari akatipa pfungwa kuti tifunge kwete kuti tifungirwe. Kune varoyi vepfungwa nehunhu kunze uko vari kucherera pfungwa dzevanhu migero yekuti kufunga kwevanhu kuyerere sesuweji.

Munyika ino izere mashoko nemiromo inotaura mashoko, usavharirwe muhendibhegi yaSatani kuti apote achikuburitsa, okunombora nekukudzosera paanodira. Ndezvipi zvinhu zvauri kudzidziswa nenyika nefoni neSosho media?

Unotarisa foni yako kangani pazuva? Unoenda nefoni yako kuchimbuzi kuti zvidii?

Uri kudya foni yako iri mune rumwe ruoko rwako ichikudyawo. Kana foni yako ikarira unosiya zvawanga uchiita kuti utarise kuti meseji kana afona ndiani.

Kana uchitexta nguva zhinji, uri kupindura kana kukomenda here?

Ndinotya kuti vazhinji vedu tafanana netsanga dzechibage dzapinda muchigayo chehupenyu hwenguva ino. Kufunga kwedu kwave kukwana mufoni, kwave kuiswa muforoma kuti tide nekufarira nekutevedzera zvakafanana nezvinodiwa naSatani.

Hatisisina kusiyana nemafuta ekuzora akati aiswa mubhodhoro akafunga kuti awana pekugara pasina guruva, asi haana kuziva kuti achapera nekunomborwa achizorwa.

Zvibate. Zvidzore. Funga ugofungisisa. Kunda. Ita zvakanaka, nyangwe uchinzwa kuda kuita zvakaipa. Chinhu chaunofanira kutanga wakunda ndiwe. Zuva rega rega wana kamwe kanhu kanenge kachida kukutonga kekuudza kuti “hazviite.”

Bhaibheri rinoti kuna Zvirevo 16:32 “Zviri nani kuti ugone kuzvidzora pane kukunda guta.”

Kana uri muKristu, joinhisa Jesu group rako repaSosho Media. Ugomufowadhira maJokes ako aye, tinzwe kuti anotiwo kikikiki here?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>