Abel Ndooka
ACHANGE ari makuwerere kutanga nemusi weChipiri chino kusvika Chitatu pamutambo mukuru weBuja Traditional Festival kwaMutoko apo zvikwata zvakasiyana zvichataridza mitambo yechivanhu.
Mutambo uyu unoitwa gore negore senzira yekusimudzira tsika nemagariro evanhu vechiBuja.
Sachigaro weBuja Traditional Festival – Sadunhu Nyamutsahuni VaOscar Nyakabau – vanoti mutambo uyu unodzidzisa zvikuru kukosha kwetsika nemagariro evanhu vechiBuja.
“Tiri kufara kuti mutambo wedu mukuru weBuja Traditional Festival wadzoka uye uchange uine zvikwata zvakasiyana zvichitaridza tsika nemagariro edu echiBuja.
“Kutanga musi weChipiri, pachange paine zvikwata zvichiita mitambo yakasiyana yechiBuja inosanganisira Tsotsa, Mapfuwe, Kadhora neTsawa nechinangwa chekuratidzira tsika nemagariro echiBuja,” vanodaro.
Pamusoro pezvo, Sadunhu Nyamutsahuni vanoti pachaitwa chirongwa chinozivikanwa nekunzi Nhakamusiiranwa icho chichaona vechidiki vachitaridzawo mitambo yechiBuja yavakadzidziswa.
“Mazuva maviri atakatarisana nawo iwaya tichaita yatinoti Nhakamusiiranwa izvo zvinoreva kuti tinenge tine vana vechikoro vachitamba mitambo yechinyakare uye vachiridzawo ngoma dzeTsotsa idzodzo,” vanodaro.
Pese panosangana vanhu vechiBuja, panobikwa doro rechivanhu re”seven days”, mahewu pamwe nekudya sadza rerukweza nechimwe chikafu chechivanhu chaidyiwa pasichigare.
Sadunhu Nyamutsahuni vanoti kudya kwechivanhu uku kwakakosha sezvo kuchivaka muviri.
“Izvi tiri kuzviita nechinangwa chekusimudzira uye kucherechedza tsika nemagariro edu,” vanodaro.