Doro rekukumbira rovaparira

26 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Doro rekukumbira rovaparira

Kwayedza

Milcah Nhakura
MUZVINHABHIZIMISI wekuHighfield, muHarare, akaendesa vakomana vaviri kudare redzimhosva achiti vanoshungurudza makasitoma ake pose pavanopinda mubhawa rake vachiti vanoda kutengerwa doro.

Tendai Mhembere akamhan’arira Shingirai Chimbarami naMarshall Kutenda kuHarare Civil Court achiti havana kana musi mumwe chete wavakambotenga doro mubhawa rake asi vanopindamo vachishungurudza vanhu vanenge vakazvitandarira zvavo.

“Handichadi kuti vakomana ava vasvike pabhawa rangu. Vanoshungurudzira makasitoma nevashandi vangu.

“Bhawa rangu rinonzi Willowvale Bar Highfields. Zvino ivo vanomukira kuuya pabhawa apa votanga kuvhiringa vanhu pasnooker. Ngavachinje havo bhawa nekuti kwangu handichavadi,” anodaro Mhembere.

Kutenda anoti anorwadziwa zvikuru nekurambidzwa kuenda kubhawa iri sezvo ndiyo nzvimbo yekutandarira iri pedyo nekwaanogara.

“Zvekurambidzwa kusvika pabhawa iri zvinondirwadza nekuti ndiko kwatinonwira kuFiyo, uyezve ndiko kunonakidza kutandarira,” anodaro.

Chimbarami haana kuenda kudare kuti azopawo divi rake panyaya iyi.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Mhembere gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links