Dr Nkomo naCde Mzee: Magamba emagamba

24 Jul, 2014 - 09:07 0 Views
Dr Nkomo naCde Mzee: Magamba emagamba

Kwayedza

ZIMBABWE yasarirwa nemasvondo maviri kuti isvike pazuva yekurangarira magamba ayo akapira upenyu hwavo mukusunungura nekushandira nyika ino zvizere uye pasina kugedageda.
Svondo rino tichatarisa upenyu hwemamwe magamba emagamba akaradzikwa paNational Heroes Acre, muHarare – Cde Simon Vengai Muzenda naDr Joshua Mqabuko Nyongolo Nkomo. Cde Muzenda, avo vaive Vice President, vakashaya musi wa20 Gunyana 2003 mushure mekurwara kwenguva yakareba apo vakange vave nemakore 80 okuberekwa. Vakaradzikwa kuNational Heroes Acre musi wa24 Gunyana 2003.

Vachizivisa nyika nezverufu rwaCde Muzenda, mutungamiriri wenyika President Mugabe vakatsanangura Cde Muzenda semhare yehondo yerusununguko pamwe nemwongo wenyika. Zviuru nezviuru zvevanhu zvakabatana nemhuri yekwaMuzenda nenyika yose mukuchema gamba iri. Nhoroondo yerusununguko rweZimbabwe inenge isina kuzadziswa kana pakasataurwa pamusoro pebasa guru rakaitwa naCde Muzenda.

Cde Muzenda, avo vazivikanwa zvikuru saCde Mzee, vakaberekwa musi wa28 Gumiguru 1922 kwaGutu, kuMasvingo. Sevamwe vana vevatema panguva iyoyo, Cde Muzenda vakanonoka kutanga dzidzo yepuraimari sezvo vakatanga vave nemakore 14 paNyamande Primary School.

Cde Muzenda vakazopinda munyaya dzematongerwe enyika uye mugore ra1945. Mugore ra1962 Cde Muzenda vakarambidzwa kupinda munzvimbo dzainzi panguva iyoyo maAfrican Tribal Trust Lands mushure mekunge vaita detembo “Nehanda Nyakasina”.

Vakazoendesa nyaya iyi kumatare edzimhosva uko vakamirirwa nerimwe gamba, mushakabvu Cde Herbert Chitepo.

Pakawana nyika kuzvitonga muna1980, Cde Muzenda vakava Deputy Prime Minitser wekutanga muZimbabwe pamwe negurukota rezvekunze kwenyika. Muna 1988 vakaitwa Vice President weZimbabwe.

Rimwezve gamba remagamba, Dr Nkomo, avo vaizivikanwa saFather Zimbabwe, vakashaya muHarare musi wa1 Chikunguru 1999 mushure mekurwara negomarara kwenguva refu. Vakange vave nemakore 82 okuzvarwa. Cde Nkomo vakavigwa kumarinda eNational Heroes Acre musi wa5 July 1999. Pakuvigwa kwavo, pakauya huwandu hwevanhu vasati vamboonekwa kumarinda aya, chipo che100 000.

Dr Nkomo, avo vaizivikanwawo zvakare nekunzi Umdala Wethu kana Chibwechitedza, vakaberekwa musi wa7 Chikumi 1917 kuKezi, kuMatabeland South. Vakazoshushikana nemabatirwo aiitwa vatema izvo zvakaita kuti vapinde mune zvekurwira kudzero dzevashandi. Vakasiya basa kuRhodesia Railways ndokutanga mabhizimusi avo.

Dr Nkomo vakazopinda mune zvematongerwo enyika ndokuvamba bato reZapu uye vakasungwa kakawanda vakagara mujeri nenyaya dzematongerwo enyika. Pakaitwa sarudzo dzekutanga muna1980, Zapu yakahwinha zvigaro 20, ZANU ndokuwana 57.

Dr Nkomo vakazove gurukota rinoona nezvinoitika munyika. Pakazobatana mapato maviri aya, Dr Nkomo vakambove Senior Minister kwechinguva ndokuzoitwa Vice President muna Chivabvu 1988 kusvika pavakashaya. – A Guide to the Heroes Acre.

 

Share This:

Sponsored Links