Uncategorized

Dutumupengo Idai hakusi kuda kwaMwari

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Dutumupengo Idai hakusi kuda kwaMwari Cyclone Idai yakasiya yaparadza migwagwa kuChimanimani nekuChipinge

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA
naIgnatius Mabasa

CHIMANIMANI mhani,

Chimanimani kani nhai.

Chimanimani nyika yemakomo,

Makomo ako akoromorwa nani?

Kuti ngwanda-ngwanda bvururu bvu!

Kuti ngondo-ngondo, mabwe kata kata!

Chimanimani hausi nyika yekumanikwa,

Uri nyika yerunako nerunyararo, hunyoro nekutonhorera.

Nanhasi uno nyika yeZimbabwe ichiri kutya pamwechete nekuchema nekuda kwerufu nekuparadzwa, kurwadziswa nehungwandangwanda hwakakonzerwa nekusiiwa nedutumupengo Idai. Nekuda kwekuti dutumupengo iri rine chekuita nemamiriro ekunze, vanhu vazhinji vari kubva vati rakakonzerwa naMwari, kana kuti kuda kwaMwari.

Asi unozviziva here kuti zita rinoshevedzwa naro mhepo dzedutu dzinenge Idai rekuti hurricane rakatorwa kuvamwari vehutsinye nehuipi vekumaCaribbean neFlorida. Mwari chaiye, Jehovha akasika matenga nepasi haasi wehutsinye nehuipi.

Dutumupengo rakaparadza Chimanimani neChipinge harisi raMwari nekuti Mwari havadi nyonganyonga nekusarongeka. Bhaibheri rinotovhura Genesisi nekutiudza kuti pakutanga “nyika yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu.”

Kusika kwaMwari ndiko kwakaunza kurongeka munyika yakanga isina kugadzirwa. Unozviziva here kuti nyangwe Jesu paaive panyika, akambosangana nedutumupengo zvekuti vadzidzi vake vakaridza mhere nekuda kwerufu rwakanga rwavashamira.

Dai Jesu aine hukama nemhepo dzinenge Idai, dai asina kutuka nekuraira dutumupengo kuti rinyarare, uye gungwa ridzikame.

Mwari vakarongeka zvisingaite. Mwari ndivo vakaisa hwaro hwepasi rese, ndivo vakaita miganhu yenyika nemakungwa. Kana gungwa rakapihwa miganhu naMwari nekuti Mwari havana kufanana naDriver wekombi anobuda kubva kudivi rake remugwagwa achinoburitsa mota dziri kudivi radzo mumugwagwa.

Iko kutopenga kwedutu Idai nekuparadza kwarakaita kunotaura huipi. Jesu haana kusiya vanhu vakaita saRigiyoni aitambudzwa nemhepo achigara asina kupfeka, ari kumarinda vachizvicheka nematombo. Jesu akadzinga madhimoni mazhinji munaRigiyoni zvekuti paakazomusiya — akanga atove munhu kwaye. Chaipengesa Rigiyoni imhepo dzakafanana nedutumupengo Idai.

Jesu akatiudza kuti akauya panyika kuti vanhu vave nehupenyu hwakawanda. Jesu paanopa vanhu hupenyu hwakawanda, anotiudza kuti Satani akauya kuzoba, kuuraya nekuparadza. Idai yakaba, yakauraya uye ikaparadza.

Saka unogona kunge uchiti, “Saka Mwari havana simba pazvinhu zvakaipa zvinoitika here? Sei vanhu vachifa? Sei nyangwe vana vadiki vachiparadzwa? Mwari vanoti, “Simudzirai meso enyu kumatenga, tarirai pasi panyika; matenga achanyangarika soutsi, nyika ichasakara senguo, uye vanogaramo vachafa senhunzi. Asi ruponeso rwangu ruchagara nokusingaperi, kururama kwangu hakuzombogumi.”

Mashoko aya anoratidza kusiyana kwezviitiko zvemamiriro ekunze, nezvinhu zvaMwari. Mwari vakarurama uye rudo, havana hutsinye.

Unozviziva here kuti Adam naEve pavakanga vachiri kutaurirana naMwari, vasati vazoteerera nyoka, nyika yakanga isina zvakaipa? Nyika yakanga isina kana minzwa chaiyo. Mwari vakati, “Zvawakateerera izwi romukadzi wako, ukadya muti wandakakuraira ndichiti, usadya, zvino nyika yatukwa nemhosva yako, uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika mazuva ose . . . uye ichakuberekera minzwa norukato.”

Musango makanga mune zvakanaka chete-chete. Minzwa inobaya, inorwadza nekukuvadza. Ndiyo minzwa yakazoshandiswa kutambudza Jesu paakaroverwa pamuchinjikwa pavakamugadzirira korona yeminzwa.

Jesu pachake akatiudza kuti panyika tichatambudzika. Jesu pachake akaona Satani achidonha kubva kudenga semheni. Dai taiziva kuti nyika ino kubva payakapihwa Adam naEva, ivo vachibva vazoipa kunaSatani, zvinoreva kuti Satani ari kutonga achitambudza nekurwadzisa vanhu.

Jesu haana kukonzera Idai nekuti iye pachake aive netsitsi — akasvinudza mapofu, akafambisa zvirema nekumutsa vakafa. Haadi kuti vanhu vatambudzike.

Share This:

Sponsored Links