Dutumupengo nechivanhu . . . Chivanhu choti ma’cyclone’ anodziviririka

09 Mar, 2023 - 09:03 0 Views
Dutumupengo nechivanhu . . . Chivanhu choti ma’cyclone’ anodziviririka Zambuko rakaparadzwa nemafashamu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

DAMBUDZIKO remvura inouya iine dutu guru rakadai seCyclone Idai, iro yakambowira Zimbabwe makore adarika ikauraya vanhu vakawanda pamwe nekuparadza, rinonzi ragara ririko kubva pasichigare uye zvinokwanisa kudzivirirwa kuburikidza nekutevedza chivanhu.

Masvondo adarika, Zimbabwe yakange yakatarisana nerimwe dambudziko redutumupengo zvakare, Cyclone Freddy, iyo yakazosvika munyika muno isisina simba rakawanda.

Nyanzvi dzinoona nezvemamiriro ekunze dzine muono wadzo pamusoro pemvura ine dutu uye kuchivanhu kune mamwe maonero ekuti dambudziko iri rinokonzerwa nei pamwe nekuti zvinodzivirirwa sei.

Mambo Chundu, VaAbel Mbasera, vekuHurungwe, vanoti dambudziko rekunaya kwemvura ine dutu nehasha rakagara ririko kubva pasichigare asi kwaiitwa chivanhu kudzivirira njodzi dzakadai.

Mambo Chundu

Vanoti pose panotanga mwaka weZhizha, panofanirwa kuitwa chivanhu nekubikwa kwedoro rekupira “vari pasi”.

“Kudunhu kwangu kuno, ndine mhondoro nemasvikiro vandinoshanda navo kutevedza chivanhu. Kubva mwedzi waNyamavhuvhu kusvika Gumiguru, tinoita doro remvura, mikwerera, mapira ekukumbira kuti mvura igonaya zvakanaka uye inokwanira kuti vanhu vagokohwa.

“Tinokumbirawo kuti mvura irege kuuya iine mupande kana kuti mheni nechivhuramahwe. Panguva imwe chete iyi, ndipo patinokumbira kuti mudunhu medu musaite hudyi hwakaita sehwiza, makonye, makudo nedzimwe mhuka dzirege kuparadza muminda yedu,” vanodaro Mambo Chundu.

“Doro iri rinobikwa nemachembere vakaguma ura (vasisabereke), toita zvibairo zvedu tichikumbira. Nenzira iyi, hatimboona mvura inouya ichiparadza.

“Dambudziko iri rinopedzwa nechivanhu saka ngatidzokerei patsika dzedu dzechinyakare.”

Cyclone Idai yakasiya yaparadza kumatunhu akaita seChimanimani neChipinge

Mambo Chundu vanoti senyika, mapira ekukumbira kuti mvura inaye zvakanaka anofanirwa kupota achiitwa zvichitungamirirwa nevakuru veHurumende mumatunhu akasiyana vakabatana nemadzimambo nemasvikiro nemhondoro.

Asi nyanzvi munyaya dzemamiriro ekunze kubazi reMeteorological Services Department (MSD), VaJames Junior Ngoma, vane maonero avo. Vanoti dutumupengo rinobva pakusanduka kwemamiriro ekunze zvinozokonzera kudziya kwemhepo kumakungwa iyo inozoumba mvura ine mhepo yakasimba.

VaJames Ngoma

“Nhoroondo yedu inoratidza kuti kubva mugore ra1972, takava nemvura yedutumupengo, macyclone, anokwana 16. Mukati mehuwandu uhwu, madutumupengo anokwama 8 akaitika mukati memakore makumi maviri,” vanodaro VaNgoma.

Vanoti madutumupengo aiva akaipisisa akaitika kubva mugore ra2000 kusvika 2019 eCyclone Idai neCyclone Dineo ayo akaparadza zvinhu zvakawanda kudarika mamwe.

VaKudakwashe Mavhunga Ziwange (35), avo vanova chiremba wechivanhu muHarare vanotiwo dambudziko remvura ine dutu rinopedzwa nechivanhu.

Misha yakaparadzwa nemvura ine dutu

“Nguva yekunotanga kweZhizha yava kusvika, kunoitwa mapira ekukumbira mvura nemikwerera kuchikumbirwa kuvadzimu kuti mvura iuye isingaparadze semvura yatava kuona iyi. Kunouraiwa mombe yekukumbira kuvadzimu nekunaNyadenga, uye zvikadaro munoona kuti mvura inoturuka igonaya zvakanaka uyewo zvirimwa hazviparadzwe nemhuka dzesango. Ngatidzokerei kuchinyakare chedu,” vanodaro VaZiwange.

Vanoti midzimu yenyika zvakare yakatsamwa nekuda kwekuti vanhu vava kutadza kuiremekedza.

“Zimbabwe inyika inotevedza chivanhu, saka ngatidzokerei kuchinyakare chedu. Honai taimbowana sadza pasi pemiti, mhondoro dziriko ngatitaurei nadzo dzinotiterera,” vanodaro VaZiwange.

Mukuru wechikamu chinooona nezvekudzivirirwa kwenjodzi munyika, cheCivil Protection Unit (CPU), VaNathan Nkomo vanotiwo bazi ravo rinogara rakagadzirira kubatsira ruzhinji mumatambudziko akadai.

VaNathan Nkomo

“Senyika, tinogara takagadzirira kubatsira vanhu mutsaona dzakadai sedutumupengo nedzimwewo tichishanda nemamwe mapazi anobatsira,” vanodaro VaNkomo.

VaChester Chasi Mhembere (72) vanobva kwaNyamweda, kuMhondoro, vanotiwo mamwe matambudziko ari kusangana nevanhu anokonzerwa nekusatevedza chivanhu.

“Kubikwa kwedoro rekukumbira mvura nemapira Zhizha rava kuda kunotanga kwakakosha zvikuru. Munokumbira mwaka wemvura usina mafashamu nehudyi nekurohwa kwezvipfuyo kana vanhu nemheni. Zvinoratidza kuti zvinhu izvi zvinoshanda, tine mazuva atinoyeresa echisi munhu akangoshanda muminda yake mazuva aya mumera wake unoparadzwa nemhuka kana nemakonye chaiwo,” vanodaro VaMhembere.

Vanoti dambudziko redutumupengo rinowedzerwa nekurasika kuri kuita kwetsika dzechivanhu.

Cyclone Idai yakasiya yaparadza kumatunhu akaita seChimanimani neChipinge, kuManicaland

Kuchitiwo VaJabulani Ndunge (51) vekuChipinge vanoti mvura yedutumupengo ine chekuita nechivanhu nekutsamwa kwevadzimu.

“Inyaya iri pachena kuti dambudziko remvura yecyclone rine chekuita nechivanhu, midzimu inenge yatsamwa saka mashoko anenge achida kusvitswa kwatiri,” vanodaro VaNdunge.

“Midzimu yakatsamwa, saka ichiunza zvinhu zvekutiranga kuti tione patinokanganisa togadzirisa.”

Asi Samson Nhamo Makausi (18) wekuChitungwiza, anoti nyaya pamusiro pedutumupengo anongodzinzwawo semunhepfenyuro nepadandemutande asi haanyatsonzwisisa nezvazvo.

“Tinongonzwa kuti mvura yakuvadza vanhu nekuparadza misha, takambonzwa zveCyclone Idai ikadarika, iye zvino tava kunzwa zvakare zveCyclone Freddy. Hamheno kuti imvura yemhando ipi iyi,” anodaro Makausi.

Share This:

Sponsored Links