Dzidzirai kupa, batsirai Bridget

07 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

PAMWE makanzwa nezvaBridget Mandimutsira pachirongwa chinoitwa naTilda Moyo-Karizamimba (Tilda’s Show) panhepfenyuro yeStar FM nemusi weChipiri svondo rapfuura pashure.

Chirongwa chinobata nyaya dzinosangana nevanhu, dzinonetsa kutambira, kana kuti nyaya dzatisingafungi kuti ndedzechokwadi – nyaya dzinoshamisa.

Zvichidawo vamwe venyu makazoona Bridget naamai vake Benedict Makumbe mupepanhau reH-Metro remusi wa27 Chikunguru. Bridget mwana ane makore manomwe asi ararama upenyu hunorwadza pamusana pechirwere cheganda (muchiRungu “Xeroderma pigmentosum”) icho chamutambudza.

Mutsanangudzo yaamai vake, chirwere ichi chakatanga Bridget aine mwedzi mitatu, asiwo chiri chirwere chaita kuti nhasi uno ange aitwa ma”operation” 21 kuzvipatara zvakasiyana. Mufananidzo waBridget unoratidza mwana atambudzika.

Chakanyevenutsa munyori pandakaterera chirongwa ndechokuti amai nababa vaBridget havana kurambana pamusana pohurwere hwemwana, nokuti kana zvichinge zvadai, kazhinji mudzimai anosiiwa otamba nhamo ari oga.

Mifananidzo yakaburitswa neH-Metro inoratidzawo kuti amai vaBridget vachiri vechidiki, asi unonzwa uchizvibvunza kuti “mwana” uyu akawana kupi ushingi hwakadai, uyewo kuti sei aine hanya netariro yekuti mwana wake zvichanaka chete?

Vazhinji vanotya nyaya dzokuvhiiwa, asi amai vaBridget vanoramba vachifunga kuti zvichaita bedzi. Unodada nerudo rwaamai rwakadai. Rudo rwakadzama, uyewo rudo rwatinotarisira kuti nerimwe ramazuva baba naamai vake, madhokotera, vakoti, nevanobatsira vachaona Bridget adzikinurwa padambudziko iri.

Vakanzwa, makanzwa amai vaBridget vachiti anorapwa kuCape Town (South Africa) vachidzoka kumusha uyewo kuwana mari dzacho kunonetsa.

Svondo rapfuura ndakanzwa vachiti vaida mari ingade kusvika $1 000, asi vakange vasina pokutangira.

Mhuri yeZimbabwe, tingatadze here kubatsira mwana uyu? Tingashaye vanhu 1 000 vanobvisa dhora rimwe chete pamunhu kusvika yakwana? Zvanzi neshoko raMwari, “Kupa kune mufaro, kunokunda kugamuchira?”

Zvishoma zvatiinazvo zvingatadze kutambanudzika here tikabatsirawo mhuri iyi, kunyanya Bridget? Ndazvisiira kwamuri!

 

Share This:

Sponsored Links