‘Dzidzisai kuipa kwezvinodhaka’

30 Mar, 2022 - 00:03 0 Views
‘Dzidzisai kuipa kwezvinodhaka’ Vamiririri vemapoka akasiyana kudunhu reMatabeleland South vari pamusangano wekuzeya matanho anogona kutorwa kurwisa dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka, zvikuru nevechidiki, nguva pfupi yadarika.

Kwayedza

Sukulwenkosi Dube-Matutu

ZVIKORO nemakoreji zviri kukurudzirwa kuti zvipe dzidziso yakasimba pamusoro pekuipa kwekutorwa kwezvinodhaka izvo zvisingatenderwe mumuviri nevechidiki rinova dambudziko rakawedzera zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19.

Mutungamiriri wenyika President Mnangagwa nguva pfupi yadarika vakadoma komiti yemakurukota achatungamirira basa rekurwisa dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka izvi.

Pane homwe yakatoumbwa zvakare yekutsigira basa iri yeNational Drug Abuse uye yakanyanya kunangana nekurwisa kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki.

Homwe iyi ichaona pachive nemizinda inobatsira vechidiki vane dambudziko rekutora zvinodhaka.

Zvikoro, makoreji nemayunivhesiti zvakaonekwa senzvimbo dziri kunyanya kutengeswa nekutorwa kwezvinodhaka.

Vakafanobata chigaro chadirector kubazi revashandi nekubatsirwa kwevanotambura, VaTawanda Zimhunga, vanoti zvakakosha kuti vakuru vezvikoro vagare vachiongorora vadzidzi nechinangwa chekuderedza dambudziko rekutengeswa uye kutorwa kwezvinodhaka.

“Zvikoro nemakoreji inzvimbo dziri kukurumbira panyaya yekutengeswa nekutorwa kwezvinodhaka, kunyanya panguva ino yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, nekudaro vakuru vemizinda iyi vanofanirwa kugara vakangwarira.

Vakuru vezvikoro vanofanirwa kuona kuti vapedza nyaya yekutengeswa kwezvinodhaka kuburikidza nekugara vachiita ongororo dzakadzama.

“Vanogona zvakare kuderedza dambudziko iri nekupa zvidzidzo pamusoro pekuipa kwekutora zvinodhaka. Kurudziro ndeyekuti zvikoro zvose zvive nezvidzidzo zvekuipa kwekutora zvinodhaka,” vanodaro.

VaZimhunga vanoenderera mberi vachiti, “Vanotengesa zvinhu zvakasiyana kuvadzidzi pamagedhi ezvikoro vanofanirwa kugara vachiongororwa nekuti vamwe vacho vanotengesa chikafu chakabikwa chakasanganiswa nezvinodhaka izvo zvinozoita kuti anenge atenga agare achida kuchitenga.”

VaZimhunga vanoti dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka rakanyanya mumadhorobha nemaguta uye pari zvino rave kutekeshera kumaruwa.

Dambudziko iri rinonzi rakawedzera kubva pakanyuka chirwere cheCovid-19 muna2020 izvo zvakaona zvikoro, makoreji nemayunivhesiti zvichimbovharwa kwenguva refu senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri apo vechidiki vainge vagere kudzimba uye vasina zvekuita.

VaZimhunga vanokurudzirawo veruzhinji kuti vabatsire mukurwisa nyaya yekutorwa kwezvinodhaka kuburikiza nekuzivisa mapurisa pamusoro pevanhu vanotengesa zvinodhaka zvisingatenderwe izvi.

Nharaunda dzakawanda, vanodaro VaZimhunga, dzine ruzivo pamusoro penzvimbo dzinotengeswa zvinodhaka asi kazhinji kacho hapana matanho adzinotora.

Vanoti ibasa revanhu vemunharaunda kuchengetedza vechidiki avo remangwana ravo riri kuenda mudondo nekuda kwekutora zvinodhaka.

“Dambudziko guru riripo nderekuti kutorwa kwezvinodhaka kuri kuramba kuchiwedzera munyika yose uye izvi zvinokanganisa zvakanyanya budiriro yeupfumi.

“Dambudziko iri riri kunyanya kune vechidiki, asi kune vamwe vechikuru zvakare vari kutora zvinodhaka. Nekuda kwemamiriro ezvinhu aya, Hurumende inoti panofanirwa kutorwa matanho akasimba ekurwisa dambudziko rekutengeswa kwezvinodhaka,” vanodaro VaZimhunga

Vanoenderera mberi vachiti, “Hatingatize nyaya yekuti tine vamwe vave neupenyu hwekutora zvinodhaka zvisingatenderwe mumuviri zuva nezuva. Chinangwa chedu ndechekurapa nekubatsira avo vari kutora zvinodhaka kuitira kuti vadzokere kunharaunda vakwanise kurarama upenyu hunoyemurika.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey