Dzidzo ngaisimudzire Zimbabwe – Murwira

06 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Dzidzo ngaisimudzire Zimbabwe – Murwira Prof Murwira

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

VADZIDZI 2 897 nemusi weChishanu svondo rapera vakapihwa zvitupa zvavo zvekupedza zvidzidzo neZimbabwe Open University ndokupfekedzwa nguwani dzefundo nemutungamiriri wenyika President Emmerson Mnangagwa avo vanova Chancellor weZOU.

Vamwe vakapedza zvidzidzo zvavo kuZimbabwe Open University (ZOU) nemusi weChishanu chadarika.

Mhemberero idzi dzakaitirwa kuCity Sports Centre, muguta reHarare.

Pachiitiko chimwe chete ichi, Professor Paul Henry Gundani vakagadzwa zviri pamutemo kuva Vice Chancellor weZOU.

Pavadzidzi vakapedza zvidzidzo ava, 1 598 vakaita zvidzidzo zvemaUndergraduate Degrees, 280 Masters Degrees kuchitiwo 15 vakanga vari vezvidzidzo zveDoctor of Philosophy (PhD).

Vanhukadzi ndivo vakawanda avo vanova 1 630 kuchiti vanhurume i1 267.

Vamwe vevakapedza zvidzidzo izvi vanyori veKwayedza vaviri vanoti Muchaneta Chimuka naDaphne Machiri uye Brailine Muzunze uyo anova Zimpapers sub-editor, vose vari vatatu vakaita zvidzidzo zveBachelor of Arts in Media Studies.

Mupepeti weManica Post, Hatred Zenenga, akapedzawo zvidzidzo zveBachelor of Arts Special Honours in Communication and Media Studies ndokupihwa mubairo weBest Student.

Vachitaura pagungano iri, gurukota rezvedzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kweruzivo rwemuchina, Professor Amon Murwira, vanokurudzira vakapedza zvidzidzo kuti vashandise ruzivo nehunyanzvi hwavakawana kuburikidza nekugadzirisa maindasitiri neupfumi munyika.

Prof Murwira vanoti indasitiri yenyika inoumbwa nekugadziriswa, kunyanya nevadzidzi kubva kumayunivhesiti nemakoreji ezvedzidzo yepamusoro.

“Pari zvino nyika yedu iri pakati pekusanduka munyaya dzekugadzirisa upfumi pamwe chete nekusimudzira maindasitiri. Ndiyo nguva apo mayunivhesiti anofanira kubura nyanzvi dzinogona kugadzira zvigadzirwa zvakasiyana-siyana nekuvamba makambani akanangana nekusimudzira upfumi hwenyika uye kupedza matambudziko atiri kusangana nawo.

“Tinofanira kuzadzikisa zvatinotaura kuburikidza nekuita. Mayunivhesiti ava kufanira kubura vadzidzi vanoda kushandisa zvavadzidza kwete kunyora pabepa pasina chiri kubuda pakuita,” vanodaro Prof Murwira.

Dzidzo yemuZimbabwe, vanodaro Prof Murwira, inofanira kukwezva vakawanda kubva kune dzimwe nyika zvinoita kuti mayunivhesiti emuno akwikwidzane neekunze mukubura nyanzvi.

“Pari zvino tine chirongwa cheStudy in Zimbabwe Programme apo tiri kukurudzira vekune dzimwe nyika kuti vauye vadzidze muno senzira yekusimudza mureza wenyika yedu kuburikidza nekupa dzidzo yemhando yepamusoro. Zvigadzirwa zvevana vanobva mumayunivhesiti edu zvinokwezvawo vamwe vana kubva kune dzimwe nyika,” Prof Murwira.

Share This:

Sponsored Links