Dzidzo yezvekurima yoparurwa

05 Aug, 2021 - 12:08 0 Views
Dzidzo yezvekurima yoparurwa Dr Masuka

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezveMinda, Kurima, Hove, Mvura Nekugariswa Kwevanhu Kumaruwa, Dr Anxious Masuka, svondo rapera vakaparura chirongwa chedzidzo iri maringe nezvekurima kumakoreji ezvekurima izvo zvichaona nyaya dzekurima dzichisimudzirwa munyika (Agricultural Education for Development 5.0 New Curricula).

Chirongwa chitsva ichi chiri kutarisirwa kuzosimudzira nyaya dzeupfumi hwenyika pamwe nekuwanisa vadzidzi ruzivo rwezvekurima urwo rwakakosha mumabasa uye muraramo yavo. Donzvo guru nderekufundisa, kupanga mazano kune vari mumabhizimusi rekurima, kuita ongororo, kuunza humhizha pamwe nekuita kuti kurima kuve bhizimusi rinopa chouviri.

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa nevanosanganisira European Union, Transforming Zimbabwe’s Animal Health and Food Safety Systems for the Future (SAFE) uye Zimbabwe Agriculture Knowledge and Innovation Systems (ZAKIS) vakabatana nebazi rezvekurima.

Dr Masuka vanoti zvirongwa zvedzidziso zviripo pari zvino hazvisi kufambirana nezvinodiwa nevarimi vari pasi pechirongwa chekugoverwa patsva kweminda uye zvichikanganisa budiriro munyaya dzekurima.

“Ino ndiyo nguva yekuti tisandure dzidzo mumakoreji ezvekurima kuitira kuti tikwanise kuzadzikisa hurongwa hweVision 2030 hwekusimudzira raramo yevanhu. Sekutaura kwemutungamiriri wenyika President Mnangagwa, dzidzo yakakosha zvikuru mukuvandudza chikamu chekurima, kunyanya munyaya dzebudiriro yevagari vekumaruwa,” vanodaro.

Dr Masuka vanoti Hurumende inofara zvikuru nekudzidziswa kwemadhumeni sezvo vari ivo vabatsiri vevarimi vari padyo nguva dzose zvinova zviri kuita kuti kurima muZimbabwe kuve nepundutso. Munyori mukuru kubazi rezvekurima, Dr John Basera, vanoti dzidzo yemhando yepamusoro yakakosha nokuti ndiyo inosandura chikamu chekurima nevanhu vari munharaunda.

Share This:

Sponsored Links