DZIDZO YOSIMUDZIRWA . . . MaScience kit odirwa muzvikoro

14 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
DZIDZO YOSIMUDZIRWA . . . MaScience kit odirwa muzvikoro Vana vepaThornicroft Park vakatakura maScience kits avakapihwa neHurumende

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE – kuburikidza nebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari – svondo rapera yakapa rubatsiro rwemidziyo inoshandiswa muzvidzidzo zveSainzi (Science kits) kuzvikoro 92 zvepuraimari zviri mudunhu reMashonaland East.

Midziyo iyi yakagoverwa kuzvikoro izvi pagungano rakaitwa pachikoro cheThornicroft Park Primary School chiri kuGoromonzi.

Kugoverwa kwemidziyo yeSainzi uku kuchasandura dzidzo yevana pasi pechirongwa chitsva chedzidzo, cheNew Curriculum sezvo vadzidzi nevarairidzi vanga vachichema nenyaya yekushaikwa kwezvekushandisa.

Vaive muyenzi mukuru pagungano iri, Mai Farai Mudita, avo vakafanobata chigaro chaProvincial Education Director kuMashonaland East, vanotenda Hurumende nerutsigiro urwu.

“Zvichabatsira vana kuti chero pavachaenda kusekondari, vanenge vave kugona kushandisa midziyo yeSainzi. Tinofara zvikuru kuti Hurumende yakasarudza dunhu redu kuti rive iro rinoparura chirongwa chemaScience kits ichi,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaRichard Matimbe, avo vanova District Schools Inspector (DSI) mudunhu reGoromonzi, vachiti midziyo yeSainzi iyi ichabatsira mukuvandudza kupasa kwevana muzvikoro.

“Dunhu rino rine mukurumbira wekupasa zvakanyanya nekuti tinopakura fundo yemhando yepamusoro kuburikidza nekupa vana vadzidzisi vakafundira basa. Tinogara tichiwana mibairo mumakwikwi ekupurovhinzi.

“Pachikoro chino, mugore ra2014 vana vakapasa Grade 7 nechikamu che78 percent, muna2015 vakaenda pa84 percent, muna2016 vakaenda pa94 percent, muna2017 vaive pa89 percent apo muna 2018 takaenda pa93,1 percent. Chine vana 1 679 nevarairidzi 46,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tine mabhindauko atinoita ayo anobatsira mukusimudzira chikoro sekuchengeta huku dzechibhoyi, dzenyama, tsuro, hove, kurima miriwo nemaruwa uye tine chitoro.”

Zvichakaro, mumwe wevakuru vezvikoro zvaivepo vanove vakabatsirikana muchirongwa ichi, VaIgnatious Goredema vepaBeulah Primary School – icho chiri mumugwagwa unobatanidza Harare neMutoko – vanoti zvidzidzo zveSainzi zvave nyore nekuda kwemidziyo yavakapihwa neHurumende iyi.

“Tava kudzokera kuzvikoro kunopa vana midziyo yavapihwa neHurumende kuti vaite zvidzidzo zveSainzi nemazvo. Tisati tava nemidziyo iyi, taisifundisa vana nemuromo bedzi pasina chavanoona kana kuedzesera kuita nekuti taingopa semufananidzo chete,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey