dzidzo yovandudzwa

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
dzidzo yovandudzwa

Kwayedza

Makambani ovimbisa $1,5bn  Vadzidzi vopihwa zvikwereti  Vachiwana Internet pachena

Felix Share

PRESIDENT Mnangagwa svondo rapera vakaparura zvirongwa zvitatu zvekusimudzira dzidzo yepamusoro rinove danho richaona vatsigiri vanomwe vachishandisa mari inosvika $1,5 bhiriyoni mukuvandudza fundo yekumakoreji, mayunivhesiti nekuzvikoro zvemabasa emawoko.

Vatsirigi ava — vemuno nevekunze — vakatonyorerana pasi zvibvumirano zvemushandirapamwe nebazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina uye zvirongwa izvi zviri pazvidanho zvakasiyana zvekufambiswa.

Zvirongwa izvi zvinosanganisira kuvakwa kwedzimba dzekugara dzevadzidzi nevarairidzi nekuitwa kweongororo uye kusimbaradzwa kwechirongwa chekudzidza kuburikidza nedandemutande apo vadzidzi vanenge vachiwaniswa masaisai eindaneti (internet) pachena uye malatop nemitengo yakaderera.

Chirongwa chekupa vadzidzi zvikwereti chakaparurwa zvakare uye vachawaniswa mari iyi nenzira iri nyore yePay As You Earn.

Professor Murwira

Mari yechikwereti iyi yakananga kubatsira vadzidzi kuti vakwanise kubhadhara fizi nekutenga zvimwe zvinodiwa mufundo yavo.

Homwe yeFundi Capital yekuSouth Africa yakavimbisa $10 miriyoni yekutanga chirongwa chekupa mari yezvikwereti kuvadzidzi.

President Mnangagwa vanoti kudyidzana kwakanaka kweHurumende nemakambani akazvimirira kuchaita kuti nyaya dzeupfumi hwenyika dzisimukire.

“Takasiyana nenyaya yekuti ivo (makambani akazvimirira) uye isu (Hurumende),” vanodaro.

“Ndinoti kwete! Tose tiri vamwe. Ngatishandei tose kusimudzira nekuvandudza indasitiri.

“Ndinofara zvikuru kuti makambani akazvimirira ari kutsigira sezvavaita. Masikati anhasi chete, vavimbisa kupa $1,5 bhiriyoni.”

Liquid Telecoms iri kushanda nezvemaEduzones izvo zvichaona vadzidzi vachiwaniswa indaneti pachena apo DevTech ichavapa malatop nemitengo yakaderera.

Mamwe makambani anoti BancABC, Strucfin Investments, Southwest Engineering neRoyal Develop ari kuona nezvezvivakwa zvezvikoro zvepamusoro.

Mushandirapamwe weHurumende nemakambani aya unotevera musangano wakaitwa pakati pemapoka maviri aya muneKurume gore rino.

President Mnangagwa vanoti Hurumende yakazvipira kuti vadzidzi vafunde vakasununguka muzvikoro zvose zvepamusoro.

Vachitaurawo pagungano iri, gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina, Professor Amon Murwira vanoti zvakakosha kusimudzira fundo yepamusoro.

“Kana tiine kutenda matiri, tinokwanisa kudyidzana nepasi rose zvakasimba,” vanodaro.

“Tinodyidzana nevamwe nekuti tinazvo zvekupangana mazano. Imi (President) matiratidza kuti Zimbabwe izere nemikana.”

Pagungano iri paive nemavice chancellor emayunivhesiti akasiyana, vakuru vemakoreji, vadzidzi, vamiriri vemaindasitiri nevatsigiri.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>