Dzikisa sadza nederere

08 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Dzikisa sadza nederere Sadza nederere

Kwayedza

DERERE usavi hwakanaka chose sezvo richikwanisa kudyiwa nevanhu vemazera ose uye hariiswe mafuta izvo zvinoita kuti rive nemusiyano nemimwe miriwo iyo inogona kuunzira vanhu zvirwere zvakaita seBP kana cheshuga.

Tine mhando dzakawanda dzederere remashizha asi dzese dzinobikwa zvakangoda kufanana.

Svondo rino Sarah Jonisi wekwaMutoko anotsanangudza mamwe mabikirwo eusavi uhu.

Zvinodiwa:

Chikari, derere rechipudzi, mhiripiri, munyu, mvura yakachena, mutyora kana soda, mugoti nematomatisi.

Mabikiro:

Isa makomichi maviri emvura muhadyana.

Tora mutyora kana soda ukande wosiya zvichimbofashaira.

Geza derere woricheka muzvidimbu, wozorikanda.

Pota uchikurungira kuitira kuti risatutumire.

Kana mvura yava shoma, chekerera matomatisi wokanda.

Isa munyu wakaringana nemhiripiri kana uchiida.

Kana raibva, derere rinosara rakakora kunge bota rakatetepa asi richirembuka.

Wozodii?

Chibura unakirwe. Derere rinodyiwa nesadza remhando yese kana kuita zvekunwa, sarudzo ndeyako.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey