Dzinga Covid-19 nekugara kumba

03 Apr, 2020 - 00:04 0 Views

Kwayedza

MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa nemusi weChishanu chadarika vakatura mashoko anokosha zvikuru apo vakati kwemazuva 21 ari kutevera — kutanga Muvhuro 30 Kurume — vanhu vose vemuZimbabwe vagare kudzimba, kusanganisira vashandi.

Danho iri rinotorwa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere checoronavirus kana kuti Covid-19.

Vanhu vose vachange vasingaende kumabasa kana kushanya panguva iyi kusara kweavo vanosanganisira vanoona nezvekuchengetedzwa kwerunyararo semapurisa nemauto nevamwe vashandi vemapazi anokoshesesa.

President Mnangagwa vakatora danho iri panguva iyo huwandu hwevanhu vabatwa neCovid 19 hwakakwira zvishomanini kubva pavaviri vekutanga.

Chirwere ichi chakatanga kuonekwa kunyika yeChina uye chatekeshera pasi rose.

Covid-19 haizi yekuita dambe nayo sezvo yauraya vanhu vakawandisa kudzimwe nyika dzepasi rose.

Zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere mashoko aPresident Mnangagwa nekuti kana vakasadaro tinopera nechakapedza mbudzi. Hazvisi nyore kuti mutungamiriri wenyika atare kuti vanhu vagare mudzimba kwemazuva 21 nekuti danho rakadai rinokanganisa zvikuru nyaya dzeupfumi hwenyika.

Asi President Mnangagwa vakaona zvakakodzera kutora danho iri nechinangwa chekuchengetedza upenyu hwevanhu.

President pakutora danho iri, vakashandisa hungwaru mushure mekuona zviri kuitika kune dzimwe nyika apo vatungamiriri veko vakazoti vanhu vagare kudzimba vorega kuenda kumabasa panguva iyo chirwere ichi chakange chatopararira kare.

Hurumende, kunze kwekuita kuti vanhu vagare mudzimba, yakatora mamwe matanho akasimba ekurwisa Covid-19.

Matanho aya anosanganisira kuti veruzhinji vasaungane zvekudarika vanhu 50 panguva imwe chete.

Veruzhinji vari kukurudzirwa zvakare kusiyana nedzimwe tsika dzakaita sekumhoresana nemawoko kana kumira pedyo nepedyo.

Pamusoro pezvo, vanhu vari kukurudzirwa kuti vagare vachigeza mawoko avo nesipo mushure mekushandisa chimbuzi kana kuti vasati vabika kana kudya.  Zvinotoshamisa kuti kune vamwe vachiri kuda kuungana vakawanda zvekudarika 50 panzvimbo imwe chete izvo zvisiri kutenderwa senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Vamwe ndivo vachiri kumhoresana nemawoko zvisinei nenjodzi iripo yekuparadzira chirwere ichi.

Kune vamwe zvakare vemabhawa vanga vachiri kuvhura apo vainge vanzi vambomira.

Saka zvekuti munhu wose agare pamba zvinofanirwa kubatsira.

Hurumende inoti vanoona nezvekuchengetedzwa kwemutemo nerunyararo vachange vachiona kuti veruzhinji vatevedza zvose zvavanofanira kuita.

Ino inguva yekubatana mukurwisa chirwere ichi kwete kuita humbimbindoga.

Kune vamwe vanogona kutanga kutoronga nzendo dzekufambira hama neshamwari panguva ino vachitora mukana wekuti havazi kuenda kumabasa.

Kwete, gara kumba ubatsire mukurwisa kupararira kweCovid-19.

Kana vanhu vakabatana uye vakaita chirwirangwe, zviri nyore kukunda denda iri.

Share This:

Sponsored Links