‘Dzivirirai chirwere cheMonkeypox’

08 Aug, 2022 - 00:08 0 Views
‘Dzivirirai chirwere cheMonkeypox’ zviratidzo zveMonkeypox

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoyambira veruzhinji nezvekunyuka kwechirwere cheMonkeypox kune dzimwe nyika dzakapoteredza Zimbabwe sekuSouth Africa.

Nyaya yekutanga yechirwere ichi yakaitika kuUnited Kingdom nemusi wa7 Chivabvu uye munhu akabatwa nacho anonzi akanga aine nhoroondo yekumboshanya kunyika yeNigeria.

Munyori mukuru kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Jasper Chimedza vanoti kusvika musi wa31 Chikunguru, vanhu 6 785 vange vabatwa nechirwere ichi pasi rose.

“Chirwere cheMonkeypox chinoparadzirwa nehutachiona uye chinokwanisa kutekeshera munyika dzakawanda. Pari zvino chiri munyika dziri mudunhu reCentral neWest Africa.

“Chinoparadzirwa kuburikidza nekusangana nevanhu, mhuka kana midziyo ine hutachiona uhwu,” vanodaro.
Zviratidzo zvechirwere ichi zvinosanganisira kukosora nekupindwa nechando, kuita mapundu muviri wose akaita semaduzu emunhu akatsva nemvura, kutemwa nemusoro, kuita mwambabvu, kunzwa kuneta, kuita maronda pahuro uye kuvhara kwemhuno nedzihwa.

“Monkeypox inobata munhu kwemasvondo maviri kana mana uye pari zvino hakusati kwava nemushonga unorapa chirwere ichi asi chinogona kudzivirirwa kuburikidza nekuregedza kubata mhuka kana zvipfuyo zvine hutachiona, zvikuru mhuka dzinorwara kana dzafa dzega munzvimbo dzine chirwere ichi,” vanodaro Dr Chimedza.
Vanoti zvakakosha kuti vanhu varegedze kushandisa mbatya kana mibhedha mimwe chete nemunhu ane chirwere ichi.

“Zvakakosha kuti murwere aendeswe kwake oga, asasangane nevanhu vatano uye vanosangana nemunhu ane chirwere ichi vanofanirwa kushandisa nzira dzehutsanana sekugeza mawoko nesipo nemvura yakachena kana sanitizer. Zvakakoshawo kupfeka midziyo inobatsira mukudzivirira kutekeshera kwechirwere ichi kana muchipepa varwere.

“Pari zvino muZimbabwe hamusati maita nyaya iri maringe nechirwere ichi asi tiri kucherechedza mafambiro achiri kuita nekuona zvekare kuti chadzivirirwa kuti chisapinda munyika muno,” vanodaro.

Dr Chimedza vanokurudzira veruzhinji kuti vachaye nhare dzinoti 2019 kana pachinge paita fungidziro yechirwere ichi kuti vabatsirwe nekukasika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey