Dzivirirai kuita seIndia: WHO

06 May, 2021 - 16:05 0 Views
Dzivirirai kuita  seIndia: WHO Dr Tedros

Kwayedza

Tandayi Motsi

SANGANO reWorld Health Organisation (WHO) rinoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho ekudzivirira kupararira kweCovid-19 uye zviri kuitika kuIndia neBrazil – uko pari zvino kuri kufa vanhu vakawanda nechirwere ichi – zvinogona kuitika kunyika ipi neipi kana vanhu vakasatevedza mitemo yekurwisa denda iri.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weMuvhuro svondo rino vari kumuzinda wavo uri kuGeneva, kuSwitzerland –

Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus, avo vanova director-general weWHO – vanoti vanhu vakawanda vabatwa neCovid-19 pasi rose kwemasvondo maviri adarika kana zvichienzaniswa nemwedzi mitanhatu pakavamba denda iri.

“Pane nyaya dzakawanda zvikuru dzevanhu vabatwa neCovid-19 pasi rose masvondo maviri adarika kana zvichienzaniswa nevaive nechirwere ichi pamwedzi mitanhatu pakatanga chirwere ichochi.

“India neBrazil ndidzo dzine chikamu chinodarika 50 percent chevanhu vawanikwa vaine chirwere ichi kwemasvondo maviri adarika kunyangwe zvazvo kuine dzimwe nyika dzakatarisana nedambudziko iri,” vanodaro.

WHO, vanodaro Dr Tedros, iri mushishi yekuunganidza mari nezvimwe zvekushandisa zvekubatsira nyika dzakatarisana nedambudziko guru rekunyuka kweCovid-19.

“Panguva ino, tiri kukurudzira munhu wose kuti atevedzera matanho akatarwa neWHO pamwe neemunyika nechinangwa chekuzvichengetedza. Musaite chitsokotsoko, musaende panoungana vanhu, pfekai mamasiki nemazvo achivhara mhuno nemuromo zvakanaka, vhurai mahwindo edzimba, vhariridzirai kukosora nekuhotsira uye maoko enyu ngaagare akachena,” vanodaro Dr Tedros.

Vanoenderera mberi vachiti, “Zviri kuitika kuIndia neBrazil zvinogona kuitika kunyika ipi neipi kunze kwekunge takoshesa matanho ekudzivirira chirwere ichi akatarwa neWHO ayo atagara tichikurudzira kuti atevedzerwe kubvira pakavamba denda iri.”

Dr Tedros vanoti kunyangwe zvazvo kubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira Covid-19 kuchibatsira panyaya yekurwisa denda iri, zvakakoshawo kuti veruzhinji vatevedzere mamwe matanho nemazvo.

“Majekiseni imwe yemhinduro, asi handiyo mhinduro yoga.

Covid-19 chirwere chakasiyana nezvimwe zvachose, asi nzira inoshandiswa kuchidzivirira imwe chete. Kushaikwa kwechinhu chimwe chinobatsira kudzivirira chirwere ichi kunoita kuti pave nemukaha wekuti hutachiona hukwanise kupinda, sezvatiri kuona pasi rose.”

Dr Tedros vanoti kusvika pari zvino, majekiseni ekudzivirira Covid-19 anosvika 50 miriyoni aendeswe kunyika 121 dziri kubatsirwa pasi pechirongwa cheCOVAX.

“COVAX kusvika pari zvino yaendesa majekiseni 50 miriyoni kunyika 121 asi tichiri takatarisana nekushomeka kwemajekiseni aya.

“Kugadzirisa dambudziko iri kunoda hushingi hwehutungamiriri hwenyika dzakabudirira. Mwedzi unotevera (Chikumi) vatungamiriri venyika dziri pasi peboka reG7 vachaita musangano pamusoro penyaya iyi.

“Nyika dziri pasi peG7 ndidzo dzakabudirira panyaya dzeupfumi uye nezvematongerwo enyika. Ndidzo zvakare dzinogadzira majekiseni aya.

“Tinokwanisa chete kugadzirisa dambudziko rekushomeka kwemajekiseni aya nekuita hurukuro nevatungamiriri venyika idzi,” vanodaro Dr Tedros.

 

 

Share This:

Sponsored Links