Dzivirirai tsaona munguva yemvura

22 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Dzivirirai tsaona munguva yemvura Dr Moyo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUNGUVA ino yekunaya kwemvura, kune zvinhu zvakawanda zvinogona kuitika zvine njodzi kuupenyu hwevanhu zvichikonzerwa nekuwandisa kwemvura, dutu, mheni nezvimwe.

Rimwe dambudziko rinogona kunyuka munguva yeZhizha nderezvirwere zvemanyoka sedysenetry, typhoid necholera izvo kazhinji zvinokonzerwa nehuchapa.

Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, vanokurudzira veruzhinji kuti vasiyane nekatsika kekutenga chikafu chakabikwa pese-pese kana michero senzira yekudzivirira kutapurirwa zvirwere zvemanyoka.

“Tinokurudzira kuti vanhu vatenge chikafu chavo muzvitoro zvakanyoreswa kuti tideredze njodzi dzekurasikirwa neupenyu. Zvakakosha zvekare kuti vanhu vageze michero yese nemvura yakachena uye inomhanya kuti vadzivirire zvirwere zvemanyoka nekuti munguva ino utachiona hunosimuka zvakanyanya sezvo hunofarira kuberekera panzvimbo dzine hunyoro,” vanodaro.

Panyaya yemvura, vanoti zvakakosha kuti vanhu vafashaidze mvura yavanonwa kana kuisa mishonga inouraya utachiona.

Dr Moyo vanoti kana pachinge paita dambudziko rezvirwere zvemanyoka, veruzhinji vanokurudzirwa kuti vagadzire mvura ine munyu neshuga vopa kumurwere nekuchimbidza kumuendesa kuchipatara.

Zvichakadai, bazi reCivil Protection Unit (CPU) rinogaroyambira veruzhinji pamusoro pematanho avanogona kutora nechinangwa chekudzivirira njodzi kana mvura ichinaya.

Semuenzaniso, veruzhinji vanokurudzirwa kuti vasiyane netsika yekumira pasi pemiti kana kuchinaya sezvo izvi zvinovaisa panyatwa yekudonherwa nemiti kana kurohwa nemheni.

Vanokurudzira zvekare kuti kana pachinge paita dambudziko remafashamu kana dzimwe njodzi dzinouya nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze, vange vachizivisa veCPU nenguva kuti vabatsirwe.

Munguva yemafashamu, vanhu vanokurudziwa kuti vaende panzvimbo dzakakwirira kuti vasayeredzwe.

Vatyairi vedzimotokari havafanire kuramba vachienderera mberi nerwendo kana vachiona mvura ichinaya zvakanyanya sezvo zvichiita kuti vakundikane kuona kwavanenge vachienda kana kuyeredzwa apo vanoedza kuyambuka nzizi.

Kana kuchinaya, ita kuti iwe usave ndiwe chinhu chakarebesesa panzvimbo yauri sekumira mubani.

Usabate zvinhu zvesimbi kana zvemagetsi nekuti zvinokupa mukana wekurohwa nemheni.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vasabate kana kumira mumvura kana kuchinaya.

Zvichakadai, nemusi weSvondo neMuvhuro uno apo pakanaya mvura yakawanda munzvimbo dzinosanganisira Harare, vamwe vanhu vakarasikirwa nemidziyo yavo apo mvura yakapinda mudzimba munzvimbo dzinosanganisira seHopely, Budiriro, Chitungwiza, Chikurubi neKuwadzana.

Zvimwe zvikoro zvakarasikirwa nemarata vamwe vadzidzi ndokusara vodzidzira panze.

Mumusha weUnit O, kuChitungwiza, tambo dzemagetsi idzo dzinoenda kuMain Power Station dzakadonhedzwa nedutu remvura yakanaya nemusi weSvondo vashandi veZEDTC ndokuzopinda mushishi kudzigadzirisa.

Muguta reHarare, dzimwe motokari dzakatsitsirwa nemiti yakadonhedzwa nemvura munzvimbo dzakatsaukana pakafa munhu mumwe chete.

Nemusi weChipiri svondo rino, vana vatatu vekukireshi vakafa mushure mekurohwa nemheni kuchiti vamwe vatanhatu vanonzi vakakuvara kuManicaland.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey