Dzokororo: Mhando dzerondedzero

05 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

ZVOTODAI kupinda munaChikunguru zvinoreva kuti bvunzi dzepakati pegore (mid-year examinations) dzava kuda kunyorwa. Ndipo patinosangana nenyaya huru inopfukuta goho redu apo vana vanoita dambudziko nekunyora rondedzero.

Ndaona zvakakosha kuti timbodzoka zvakare kurondedzero kuti tingoyeuchidzana zvinodiwa tisati tanyora bvunzo dzedu. Tinoda kutarisa mhando dzerondedzero dzatakambotaura nezvadzo tionesane zvakare zvadzinoda.

Mhando yenhoroondo imhando yerondedzero inoda kuti munyori atsanangudze zvakaitika aripo kana kuti zvaakasangana nazvo. Zvinoda kuti munyori adzamise pfungwa dzake zvekugona kuburitsa chinyorwa chinosiya muverengi aonawo zvawakasangana nazvo zvekuti anopedzisira ava kuita kunge iyewo anga aripo. Nyaya ngaive inonakidza kuitira kuti muverengi akwanise kufamba newe.

Pamhando iyi ndipo panopinda misoro yenyaya inoti Zuva randisingakanganwi, Zuva rangu rekutanga kusvika pachikoro, Tsaona yandakaona kana kuti Rwendo rwandakafamba nebhazi.

Mhando yechipiri ndeyetsanangudzo iyo inoda kuti munyori arondedzere nemazvo chinhu chaanoziva kana kunzwisisa. Tsanangudzo inodeedza goho rakakura inofanirwa kuti muverengi aone chinhu chauri kutsanangudza mupfungwa dzake agogutsikana. Shandisa zvirungamutauro zvinodakadza uye ronga pfungwa dzako dzichierera.

Tsanangudzo inobuda nepaviri apo munyori anogona kutsanangudza achibva kumusoro achidzika kana kuti achibva kuzasi achikwidza. Pamhando iyi ndipo panopinda misoro inoti Mhuka yandinofarira, Mudzidzisi wangu kana kuti Chikoro chedu. Muverengi ngaabva aona chokwadi manakiro akaita mhuka yaunofarira kana kuti chikoro chako mupfungwa dzake.

Kunyora mhando yerondezero yekushandisa pfungwa dzechokwadi hakudi munhu asina ruzivo rwakakwana nechinhu chacho. Hazvidi kunyepa nekuti uchatsanangudza chinhu chinozivikanwa nemukwenyi webasa rako obva atoona kuti aya manyepo.

Mukukwenywa kwebasa mune inonzi (impression) yekuti wafadza mukwenyi webasa rako zvakadini. Zvino kana wamunyepera zviri pachena anogokupei?  Funga zvakadzama pamusoro wepfungwa iwoyo ugova neruzivo rwakakunda rwavamwe wobva wawedzera nekukanga mutauro wako nezvirunga mutauro zvakaringana.

Mhando dzemisoro yenyaya inowanikwa apa ndeinoti, Kukosha kwemiti, Mabikirwo erupiza kana Kubika ndari.

Rondedzero yefungidziro inopa munhu mukana wekuzviona ari pane chimwe chinzvimbo chisiri chaanogara ari. Munyori anogona kutsananangudza izvo aigona kuita dai anga ari pachinzvimbo ichocho sekuti dai anga ari mambo. Munyori apa anobvumirwa kutaura twose twaanoshuvira kuita dai anga ari mambo izvo zvingadai zviri kutadzwa namadzimambo aripo.

Mumhando iyi ndimo munowanikwa misoro inoti, Dai ndiri mukuru wechikoro, Dai ndiri mufundisi wechechi kana Hupenyu hwangu semombe.

Tichabata dzimwe mhando dzerondedzero muzvimwe zvikamu zvedzokorodzo zvichatevera.

Share This:

Sponsored Links