‘Dzosa $2800 yangu kana usisandide’

06 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
MUSIKANA wekupinzwa chikoro neaimbova mukomana wake anoti ave kumushungurudza achiti ava kuda kudzoserwa mari yake mushure mekunge varambana.

Prisca Rakandwa akaendesa Patrick Panoni kudare reHarare Civil Court achida kuti amiswe kumushungurudza uye kumutevera kwaakazoroorwa.

“Changamire, ndauyawo pano ndichada rubatsiro.  Patrick aimbvova mukomana wangu asi ndakazoroorwa nemumwe murume. Dambudziko ravepo nderekuti ave kunditevera kumba kwandakaroorwa achindishungurudza, anondirova uye kundituka pazere vanhu zvekuti ndinotonyara nezvaanenge achitaura,” anodaro Rakandwa.

“Ini naiye takambodanana asi zvaingova zvimwe zviya-zviya, ini ndaisamuda. Ipapo akandiendesa kuchikoro asi zvino ava kuti anoda mari yose yaakandipinda chikoro. Anoti mari yacho i$2 800, zvino ini handina kwandinoiwana,” anodaro. Panani haana kuenda kudare kuti anopawo divi rake.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Rakandwa gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey