Dzosai zvikwereti: Masuka

09 Sep, 2021 - 11:09 0 Views
Dzosai zvikwereti: Masuka Dr Masuka

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwevagari vekumaruwa – Dr Anxious Masuka – vanoti Hurumende icharamba ichisimbaradza zvirongwa zvekutsigira varimi kusanganisira cheNational Enhanced Agricultural Production Scheme neCommand Agriculture pamwe nekuvapa zvikwereti kuitira kuti vawane pekutangira mumabasa avo.

Chirongwa cheCommand Agriculture, icho chave kuzivikanwa nekunzi Special Agriculture Programme for Import Substitution, chakavambwa mugore ra2016 nechinangwa chekuti nyika ive nemaguta.

“Varimi vanosvika 15 000 vari kubatsirikana pasi pechirongwa cheNEAPS pagore kuchiti vamwe vanodarika 2,3 miriyoni vari pasi peSocial Protection Scheme. Hurumende icharamba ichitsigira homwe yezvekurima nechinangwa chekusimudzira raramo dzemhuri dzinotambura pasi pechirongwa chePresidential Input Scheme uye mamwe mapoka akazvimiririra achitsigira zvekare,” vanodaro.

Dr Masuka vanoti kuti chirongwa ichi chibudirire, zvinoda mushandirapamwe wevarimi kuti vadzore zvikwereti zvavanenge vapihwa nenguva yakatarwa.

“Varimi vanofanira kudzorera mari dzezvikwereti nenguva uye voregedza katsika kekutengesa zvirimwa zvavo nerweseri pamwe nekudzidza kushandisa mari nenzira kwayo kuitira kuti vakwanise kuita mabhizimusi anoendeka. Hurumende yakadzika mitemo yeStatutory Instruments (SI 247 of 2018, SI 145 of 2019, SI 96, SI97 neSI 188 of 2021) senzira yekuchengetedza vapi vemakondirakiti kuti vasarasikirwe nekuda kwemakoronyera uye varimi vazhinji vari kutevedza zvinodiwa zvisinei nekuti kune vamwe vashoma vachiri kutyora mitemo iyi,” vanodaro Dr Masuka.

Vanoti kune vamwe varimi vasati vadzorera mari dzezvikwereti idzo vakapihwa kuburikidza nehomwe yeNEAPS zvinova zvinokanganisa budiriro munyaya dzekurima.

“Varimi ava vari mumakondirakiti nemakambani asi vanozoguma votengesa zvavanokohwa kumakoronyera, vamwewo havana kudzorera mari kumabhengi. NEAPS inotsigirwa neHurumende kuti ipe varimi mari dzezvikwereti saka Hurumende inotoona kuti NEAPS yawaniswa rutsigiro rwemari rwakakwana zvichibatsira varimi,” vanodaro.

Dr Masuka vanoti mumwaka wa2021/2022 wekurima, vari kusandura nzira dzemakondirakiti idzi vachiisa zvisungo zvinoita kuti varimi vanoshanda nemakoronyera uye vasiri kuita mabasa avo nemazvo vasazokwana muzvirongwa izvi zvachose.

“Varimi avo vakabhadhara zvikwereti zvavo nenguva mumwaka wa2021/2020 ndivo vachaiswa muzvirongwa zvekuwaniswa zvikwereti mumwaka wa2020-2021 kutanga nemusi wa31 Gunyana pamwe nevaya vanenge vabhadhara chikamu che80 percent chezvikwereti zvavo nemusi wa30 Mbudzi, 2021. Vose vasina kuzadzikisa zvitsidzo zvemabhengi avo vachatorerwa matanho akakodzera,” vanodaro.
Dr Masuka vanoti pane mikana zvekare yekuzotorerwa magwaro kuvarimi (offer letters), zvikuru avo vanenge vasiri kutevedza mitemo yekubhadharwa kwezvikwereti.

Varimi vanogona kutorerwa magwaro aya vanosanganisirawo vasina kubhadhara zvikwereti zvavakapihwa nedura guru renyika reGrain Marketing Board (GMB).

Share This:

Sponsored Links