Ebola: Zim yonobatsira here?

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Ebola: Zim yonobatsira here?

Kwayedza

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanoti vari kuita hurukuro nevamwe varapi vangade kuenda kunobatsira kunyika dzakatarisana nechirwere cheEbola kuWest Africa dzakaita seSiera Leone kuti vange vachiita sarudzo iyi zvine hungwaru.

Mashoko avo anotevera pfungwa dzakatsaukana kubva kumapoka akasiyana apo vamwe vari kuti vashandi vanenge vaende kunobatsira kunyika dzine Ebola vanogona kuzodzoka vave nechirwere ichi izvo zvinoita kuti chizopararira muZimbabwe.

Sangano reAfrican Union rakakumbira kunyika dzose dziri pasi pemubatanidzwa uyu kuti dzibatsire kurwisa kupararira kwechirwere ichi nenzira dzadzinokwanisa.

Dr Parirenyatwa vanoti dzimwe nyika dziri kubatsira nezvakasiyana-siyana uye Zimbabwe iri kuronga kutumira vashandi vezveutano, avo vari kunyanya kudiwa kunyika dziri kutambudzwa nechirwere ichi.

“Vanhu vachange vachienda (kunyika idzi) nekuda kwavo uye hatisi kuzomanikidza vashandi veutano kuti vaende kunyika dzine chirwere cheEbola,” vakadaro.

Kune vamwe varapi vakuru vakatoenda kunobatsira kunyika idzi vakadzoka.

Mukuru kusangano reUS Centers for Disease Control munyika muno, Dr Peter Kilkmarx, avo vakabva kuSiera Leone, vari kukurudzira vamwe varapi vemuno kuti vatevedzere matsimba avo ekubatsira nyika dziri kutambudzwa neEbola.

Mashoko akabva kuWorld Health Organization (WHO) anoti chirwere ichi chiri kutambudza vanhu 11 000 uye chidimbu chehuwandu uhu vakatofa kare.

Pari zvino kambani yeAlpha Media Holdings (PVT) Ltd iri kuita misangano nevarapi, vakuru vezvikoro nemayunivhesiti, vabatsiri munguva dzetsaona, vatori venhau pamwe nevanhu vemunharaunda maringe nechirwere ichi.

Pamisangano iyi, zvakaonekwa kuti Zimbabwe inoda mari inosvika US$20 miriyoni segadziriro yekurwisa chirwere ichi. Mari iyi inenge ichizoshandiswa kuvaka muzinda wekurapira vanhu unodaidzwa kuti National Ebola Treatment Centre nekutenga zvimwe zvekushandisa.

Matanho ekutora

Zvakakosha kutora matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi nekukasika. Kumiganhu yenyika ongororo iri kuitwa asi zvakaonekwa kuti kunyangwe ivo vashandi vanoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika havasati vave neruzivo rwakakwana maringe nekuti vangazvidzivirira sei.

Vamwe vashandi vanodhinda mapasipoti vari kuonekwa vachiita izvi vasina kana kupfeka magirovhosi zvisinei nekuti chirwere ichi chinotapurirwana kuburikidza nebatana kwevanhu mawoko kana dzimwe mvura dzinobuda mumuviri dzakadai sedikita, ropa nemate.

Murwere anogona kudikitira ari mumutsetse wekudhindisa pasipoti oitambidza vandindi ava, vanove vanozobata mapasipoti egurumwandira revanhu zvichizoita kuti chirwere ichi chitekeshere nenguva pfupi.

Zvekare mumitsetse yekudhindisa mapasipoti vanhu vanenge vachifemerana mugotsi nekutya kupindirwa vachikanganwa kuti mukusangana umu ndimo mukutapurirana.

Ndiko kusaka kunyika dzine chirwere ichi vachikasika kubvisa varwere pakati pevatano apo vanonogariswa kwavo voga uko kunenge kwakachengetedzwa kuchigara kuchifiritwa.

Vafi vanovigwa sei, nani?

Zimbabwe ine vanhu vanokoshesa kutevedza tsika dzechivanhu uye munhu anenge afa anoremekedzwa kudarika mupenyu. Mufi kazhinji zvinotonzi zvinoshura kuti ange achivigwa kudzinza risiri rekwake uye zvichiitwa nevatorwa.

Kana chirwere ichi chichinge chanyuka, nyaya dzetsika dzekuvigwa kwevafi dzinombosendekwa padivi zvoitwa nenyanzvi dzezveutano, donzvo riri rekuti chisatekeshere.

Vafi vanotogona kuvigwa mugomba rimwe chete nehuwandu hwavo nekuti kungovaviga pese-pese vakapararira kunogona kuita kuti chirwere ichi chipararire. Gomba rinovigwa mufi rinosungirwa kuti ringe rakadzika zvakanyanya uye vanhu vanenge vachiita basa rekuviga vanofanirwa kunge vakapfeka mbatya dzekuzvidzivirira muviri wese.

Gomba iri rinofiritwa pamwe nemutumbi wacho, kusanganisira nzvimbo yaanenge afira nekumochari kwaanenge ari, kuitira kuti utachiona husapararire kune zvimwe zvitunha zvisina chirwere ichi.

Zvii zvingaitwe? ?

Kusadzidza kwakangofanana nekufa, dzidziso maringe neEbola inofanira kugara ichikushwa kumativi ose enyika kuti vanhu vasazodemba.

Dzidziso iyi inogona kupihwa kuruzhinji kuburikidza nepanhare, dandemutande kana kutopinda mumisha vanhu vachishambadzirwa.

Vanhu vanofanira kuregedza kuita zvimwe zvinhu zvinoita kuti chirwere ichi chivabate, zvakadai sekudya nyama yemiremwa-remwa, zvimupanzi neisina kunyatsobikwa zvakanaka.

 

Vaverengi makasununguka kupa mamwe maonero enyu maringe neEbola. Tumirai pfungwa dzenyu padandemutande rinoti: [email protected] kana [email protected]

Share This:

Sponsored Links